Sezviri kuitwa nevamwe vavo pasi rose, vanhu vechitendero chechi Islam muZimbabwe vari kucherechedza zororo ravo guru reRamadan, iro rinoitwa kwemazuva makumi matatu.
Pakucherechedza nguva yeRamadan, vatenderi vanoti minamato iyi inobva yanyanyokosha kupfuura dzimwe nguva dzose.
Imam Hafiz Hassan, vanove mufundisi we Islam paGweru Islamic Centre, vanoti munguva yeRamadan, iyo yakatanga musi wa 28 Chikumi, vanotsanya kubva manheru kusvika mambakwedza, kwemazuva makumi matatu, uye nguva iyi, inguva yakakosha zvikuru muchitendero vacho.
Vechitendero ichi vanoti kutsanya kwavanoita panguva iyi kunovaswededza pedyo naMwari wavo, vachitendawo kuti pazuva rekupedzisira reRamadan, ndipo apo Mwari akaratidza muporofita mukuru, Muhammad, ruvheneko rweQuran, rinove bhaibheri rechitendero ichi.
Munguva yeRamadan, vatenderi ava, kana yasvika nguva yekudya, vanodya mapunga nenyama yehuku nezvimwe zvinobvumidzwa nemitemo yechitendero ichi. Ma Moslem anoti haadyi nyama yenguruve.
Vanakomana vechitendero ichi vanochecheudzwa vachiri vadiki. Chitendero ichi hachibvumidzi kunwa doro nekuputa fodya.
Mumwe mutenderi weIslam, uyo anogara muGweru, Amai Yasim Milanzi, vanoti hapana rusarura rwavanosangana narwo mukurarama nekuda kwechitendero chavo. Vanotiwo kunyange hazvo vamwe vanhu vakawanda vachiti chitendero chavo chinodzvinyirira vanhukadzi, zvikuru pachitariswa nyaya yezvipfeko, ivo vanoona mapfekero aya achivapa chiremera pane vamwe vanhu.
Amai Milanzi vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vawane ruzivo pamusoro pechitendero ichi kuitira kuti vanyatsochinzwisisa.
Imam Hassan vanorambawo maonero ekuti chitendero che Islam chinodzvinyirira vanhukadzi vachiti, bhuku reQuran rine mirawo inonyatsojekesa kuti varume vanofanirwa kubata madzimai avo zvakanaka, vachitiwo muporofita Muhammad aibatsira madzimai ake kuita mabasa akasiyana-siyana emumba sechiratidzo chekuvaremekedza.
Mumwe musikana ane makore gumi nemapfumbamwe, uye ari mutenderi we Islam, Muzvare Aseem Milanzi, vanopokana nemaonero ekuti chitendero ichi chinotadzisa vechidiki kunyatsofara sezvavanofanirwa kuita.
Mumwe mukomana, uyo ane makorewo gumi nemapfumbamwe, akangoda kuzvidoma nezita rekuti Imraan, ndemumwewo metenderi weIslam wechidiki.
Imraan anobvumiranawo nemaonero ekuti chitendero che Islam chinobatsira vechidiki kuti vave nehunhu hwakanaka.
Imam Hassan vanoti panopera mazuva eRamadan vatenderi vanoita mabiko vari pamwe chete nehama neshamwari.
Panguva yeRamadan vatenderi vanonamata vari muzvikwata kuma mosque avo munzvimbo dzakasiyana-siyana.
Muguta reHarare ma Moslim vanoungana kumuzinda wavo mukuru uri kuWaterfalls nekuBelvedere, muguta reGweru vanoungana paGweru Islamic Centre, nekuIslamic Mosque iri kuMkoba 7, muKwekwe vanounganawo paMosque of Light iri mudhorobha iri.
Kunyange hazvo Zimbabwe ichiziikanwa senyika yevatenderi vechiKristu vakawanda, munyika mune vanhu vechitendero cheIslam vanopfuura miriyoni imwe chete nemazana maviri ezviuru.
Zororo reRamadan rinopera musi wa 28 Chikunguru.