Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotyisidzira Vashandi Vayo Vari Kuramwa Mabasa?


Vashandi vehurumende vari pakuramwa mabasa vanoti vava kutyisidzirwa nevashandirwi, vanowe Public Service Commission, iyo inonzi yava kumanikidza vashandi ava kunyora pasi kuti vari kushanda here kana kuti vari pakuramwa mabasa.

Vashandi vehurumende, avo vapinda musvondo retatu vachiramwa mabasa, vakatanga kuenda kumabasa neMuvhuro, asi vasingashandi, izvo zvinonzi zvava kuita kuti hurumende ivamanikidze kuti vataure zvavari kuita.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvevashandi vehurumende, VaEliphas Mukonoweshuro, kanawo vakuru vePublic Service Commission kuti tinzwewo divi ravo.

Munyori mukuru weApex Council, Amai Cecilia Alexander, vanoti danho ratorwa nehurumende iri rinokatyamadza zvikuru, sezvo vashandi vari kungoda kuti vapiwe mihoro inovakwanira.

Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, uye vari mutauriri wevarairidzi, VaTakavafira Zhou, vanoti vamwe vabereki vachishanda nevakarwira hondo yerusununguko vari kumanikidza varairidzi vari pakuramwa akasiyana siyana kuti vaende kumabasa, uye kana vasingade kushanda, vobva pazvikoro zvavari.

VaZhou vanotiwo mamwe machechi pamwe nemakambani vane zvikoro vava kuti vachadzinga varairidzi vasiri kuita basa kubva mudzimba dzebasa dzavari kugara.

Vashandi vehurumende vakatanga kuramwa mabasa musi wa5 Kukadzi vachiti vanoda kuti mari dzavanotambiriswa, dziwedzerwe kutangira pamazana matanhatu nemakumi matatu emadhora eku America pamwedzi.

Asi hurumende inoti haikwanisi kubhadhara vashandi mari yavari kuda.

XS
SM
MD
LG