Accessibility links

Breaking News

PTUZ Yokurudzira Vadzidzisi Kuti Varambe Vachiramwa Mabasa Kusvika Hurumende Yagadzirisa Zvichemo Zvavo


Rimwe remasangano anomirira varairidzi munyika rinoti riri kufara zvikuru nekubudirira kwaita kurudziro yaro yekuti varairidzi varamwe mabasa kutanga neChitatu.

Progressive Teachers' Union Of Zimbabwe, kana kuti PTUZ, inoti varairidzi vanosvika zvikamu makumi masere nezvishanu kubva muzana, varamwa mabasa kumaruma, uye zvikamu makumi mashanu nezvina kubva muzana zvevarairidzi vemumaguta, havana kuenda kubasa.

PTUZ iri kukurudzira nhengo dzayo kuti dzisaende kumabasa kudzamara hurumende yawedzera mari dzavanotambira. Sangano iri riri kuda kuti murairidzi wepasi atambiriswe mari inotangira pamadhora mazana mashanu nemaviri pamwedzi kana kuti $502 pamwedzi. Pari zvino varairidzi vari kutambira mari inotangira pamadhoramazana maviri nemakumi mana nerimwe pamwedzi, kana kuti $241. PTUZ inoti mari iyi ishoma zvikuru.

Kunyange hazvo PTUZ iri kuti kuramwa kwemabasa uku kwabudirira zvikuru, vamwe vadzidzisi vari munzvimbo dzvakasiyana siyana vari kupikisa mashoko ePTUZ vachiti kuramwa mabasa hakuna kunyatsotambirwa nevarairidzi vakawanda, sezvo vazhinji vavo vari kufunga nezvekuriritira mhuri dzavo.

Sangano reZimbabwe Teachers Association, kana kuti ZIMTA, riri kukurudzira nhengo dzaro kuti dziende kumabasa kuitira kuti dzipe mukana wekutaurirana nehurumende. Asi mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vanoti nhengo dzavo dzicharamba dzichiramwa mabasa kudzamara hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo.

XS
SM
MD
LG