Accessibility links

Breaking News

PTUZ Inoti Vanasikana veChikoro Vanodarika Zviuru Makumi Maviri Vanogona Kunge Vakabata Pamuviri Gore Rino


Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe kana kuti PTUZ Doctor Takavafira Zhou vanoti vanasikana vanogona kusvika zviuru makumi maviri vakabata pamuviri gore rino zvawedzerwa nekuvharwa kwezvikoro nekuda kwechirwere checovid-19 uye kuramwa mabasa kwevadzidzisi vachiti vanoda kuwedzerwa mari dzavanotambira.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvedzidzo VaCain Mathema kuti tinzwe divi ravo sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa. Asi VaMathema vakazivisa kare kuti vasikana vanenge vakazvitakura vanokwanisa kuenderera mberi nechikoro sezvo uri mutemo wehurumende.

Muna 2018, bazi rezvedzidzo rakati vana vanodarika zviuru zvinomwe vakaita pamuviri vakawanda vakasiira chikoro panzira. Zimbabwe National Family Planning Council yakayambirawo kuti kudhura kwezvekudzivirira kubata pamuviri kuchapa kuti vanhu vabatire pamuviri pavasina kugadzirira.

Sangano reSave the Children rakayambirawo kuti pasi rose vana vanodarika zviuru mazana mashanu kana kuti 500 000 vanogona kuroorwa vasati vabva zera nekuda kwematambudziko aunzwa neCovid-19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG