Accessibility links

PSC: Hakuna Zvipoko muVashandi veHurumende

  • Jonga Kandemiiri

Bepanhau reThe Herald rinoti boka rePublic Service Commission, PSC, rakapedza kunan’anidza gwaro reongororo yevashandi vehurumende yakaitwa nekambani yeEnerst and Young yekuIndia muna 2010, iyo yakaratidza kuti kune vanhu vari kunzi vashandi vehurumende vanodarika zviuru makumi manomwe asi ivo vasiri.

PSC inonzi iri kuramba kuti kune zvipoko zvevashandi izvi, kana kuti Ghost Workers, uye inonzi yakati pane zvishoma shoma zvinganzi zvakafukunurwa neongororo iyi.

Gwaro rePSC rinonzi richasvitswa kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, munguva pfupi inotevera, avo vanozotarisirwa kurisvitsawo kudare remakurukota.

Bato reMDC pamwe nemamwe masangano evashandi vehurumende vagara vari kuchema chema kuti pane vanhu vazhinji vari kutambira mari dzehurumende asi vasiri vashandi.

Ongororo yaComptroller and Auditor General yakaburitsawo gwaro rinoti pane vashandi vari kubhadharwa mari vasiri pabasa. Ongororo iyi yakakurudzira kuti hurumende iferefete nyaya iyi.

Hatina kukwanisa kubata vakuru vePSC pamusoro penyaya iyi.

Asi gurukota rezvevashandi vehurumende, Amai Lucia Matibenga, vanoti havana ruzivo nezvedanho iri, vakati semaziviro avo gwaro reEnerst and Young richiri mumaoko edare remakurukota.

Munyori mukuru werimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vanotiwo sangano ravo rakabvira kare richiburitsa nyaya yezvipoko izvi asi raingopiwa gotsi nehurumende.

XS
SM
MD
LG