WASHINGTON DC —
Pane kubvumirana nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti nyika ibatane pakurwisana nedambudziko rekushungurudzwa pamwe nekubhinywa kwevanhukadzi nevanasikana, vachiti kudzikwa kwemitongo yakaomarara bedzi hakupedzi dambudziko iri.
Mumiriri weHarare West muparamende, vari nhengo yeMDC T, Muzvare Jessie Majome, vanoti panofanirwa kuitwa chirwirangwe panyaya iyi, kunyange hazvo vari kuti hurumendewo haisi kuita zvainotarisirwa kuita mukurwisana nedambudziko iri.
Izvi zvinotsinhirwa nasachigaro wesangano revanhurume rinorwira kodzero dzemadzimai, rePadare-Enkundleni, VaJonah Gokova. VaGokova vanoti hurumende inofanirwa kuona kuti vanhukadzi vari kudzivirirwa kuitira kuti vasashungurudzwe.
Muzvare Majome, avo vakakwidzawo nyaya iyi mudare reHouse of Acssembly, vachida kuti padzikwe mitemo inopa mitongo yakakura kune vanopara mhosva, vanoti kubva pakaparurwa chirongwa cheNational Gender Based Violence Strategy (2012- 2015), icho chinotarisirwa kupedza kushungurudzwa kwemadzimai pamwe nekupa mikana yakaenzana kuvanhurume nevanhukadzi, hapana zvikuru zvati zvaitwa zvinoonekwa.
Vachitaura neChitatu pamhemberero dzekucherechedza zuva remadzimai pasi rose, reInternational Women’s Day, VaMugabe vakati zvinonetsa kuti chii chapinda vanhurume, zvikuru vehukama kana vana baba vanopamba vana vavo, vakati iri ratove dambudziko hombe rinofanirwa kugadziriswa.
VaMugabe vakati kana hurumende ikachinja mitemo yekuomesera vanopara mhosva dzine chekuita nekushungurudzwa kwemadzimai, majeri angatozara.
Vanhurume, zvikuru vehukama ndivo vari kunyanya kubatwa nemhosva panyaya dzekushurudzwa kwevanasikana, vamwe vachinzi vanoita izvi vachishandisa mishonga.