Accessibility links

Breaking News

Mapato Okurudzirwa Kushoropodza Mhirizhonga


Violence in Zimbabwe
Violence in Zimbabwe
Nechinangwa chekuedza kupedza mhirizhonga yezvematongerwo enyika panguva iyo nyika yatarisana nesarudzo dzingangoitwa gore rino, vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika ari muhurumende yemubatanidzwa vari kutarisirwa kusaina mukupera kwemwedzi waKukadzi gwaro rekuzvibata kwevanhu rinotarisirwa kunge richiteverwa nenhengo dzavo mukurwisana nemhirizhonga, kana kuti code of conduct.

Gwaro iri rakanyorwa nebazi rezvekupodzwa kwemaronda pamwe nekuregererana vachishanda pamwe chete nevanyori vakuru vemapato ose ari matatu anoti Zanu PF, MDC T neMDC duku.

Gurukota rezvekupodzwa kwemaronda, Amai Sekai Holland veMDC T, vanoti gwaro iri harisi kuzosungisa mapato kana vanhu vanenge vaita zvemhirizhonga, asi kuti riri kukurudzira kuti vanhu vadzokere pachinyakare chavo chekugara pasi votaurirana kana vakanganisirana, kwete kusungisana.

Amai Holland vanoti gwaro ravo rakaumbwa kuburikidza nekuwirirana kwemapato matatu ari muhurumende, saka havazooni paine dambudziko rekuti pangazoita rimwe bato risingazoritevera.

Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, ine gwaro rayowo rinosungira kuti mapato asaite zvemhirizhonga uye ani nani anenge awanikwa achiita zvemhirizhonga, anosungwa pachiteverwa kutemo.

Asi vakawanda vanoti havaoni mapato ose achizvitevera sezvo asiri ose ari kushoropodza mhirizhonga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG