WASHINGTON DC —
Huwandu hwemhuri dzakaparadzirwa misha yadzo nemvura yakasimba yakanaya Chitatu chesvondo rapera yakasangana nedutumupengo mudunhu Mberengwa East mudunhu reMidlands, hwakakwira kusvika pazana nemakumi masere nembiri, uye vanhu vatatu vanonzi vakafa vamwe vatanhatu vakakuwara.
Mumiriri we Mberengwa East mudare reparamende, VaJoram Gumbo veZanu PF, vati mudunhu raShe Chizungu, mhuri dzinosvika zana nemakumi maviri dzakarasikirwa nemisha, midziyo pamwe nezvirimwa, kuchitiwo mudunhu raShe Bhangwe mhuri makumi matanhatu dzakakanganiswa.
Vatiwo masangano anopa rubatsiro akawanda kusanganisira reRed Cross Society, pamwe neboka rehurumende reCivil Protection Unit ari kubatsira mhuri idzi nematende, midziyo, mbatya pamwe nechikafu.
VaGumbo vati zvinhu zvichatonyanya kuomera mhuri idzi sezvo vamwe vavo vari kurarama nechekare nerubatsiro rwechikafu rwuri kubva kumasangano anopa rubatsiro nekuda kwekusakohwa zvakanaka mwaka wapera.