WASHINGTON DC —
Zvizvarwa zveSouth Africa neChitatu zviri kusarudza vamiriri vedare reparamende mazana mana pamwe nemakumi mapfumbamwe vachamirira matunhu akasiya siyana.
Mutungamiri wenyika anozosarudzwa nedare reparamende reNational Assembly.
Mapato ezvematongerwo enyika anodarika makumi matatu anonzi ane nhengo dzichakwikwidza musarudzo dzinonzi nevamwe bato riri kutonga reAfrican National Congress, ANC, ndiro ringangokunda zvakare, kunyange risingazowani mavhoti akawanda searakawana musarudzo dzapfuura.
Mamwe mapato ari kupinda musarudzo idzi anosanganisira reDemocratic Alliance, Congress of the People, Inkatha Freedom Party inotungamirirwa naVaMangosuthu Buthelezi, pamwe nerimwe idzva reEconomic Freedom Fighters, iro rakaumbwa nevaimbove mukuru wevechidiki muANC vakazodzingwa, VaJulius Malema.
Kunyange hazvo gadziriro dziri kunzi dziri kufamba zvakanaka, zvinonzi pane mabhokisi esarudzo akawanikwa kumba kweimwe nhengo yeANC.
Asi sangano riri kutungamira sarudzo reIndependent Electoral Commission rinoti magwaro akawanikwa aya haasi kuzoshandiswa musarudzo, uye vashandi vesangano iri vane chekuita nemabhokisi aya vakatomiswa basa.
Sarudzo idzi ndedzechishanu kuitwa munyika iyi kubva pakaparara hutongi hwehudzvanyiriri muna 1994.
Nhengo yeZimbamwe Pastors Forum, uye vachitungamira chechi yeOasis of Life muJohannesburg, kuSouth Africa kwakare, Pastor Steven Chiadzwa, vanoti kunyange hazvo paine mashoko ekurwisana kwemapato pane nepapo, mapato anopikisa akabatana zvakanyanya pakutaura nezwi rimwe chete kuitira kuti vabvise hutongi hweANC.
Pastor Chiadzwa vanoti vanhu vemuZimbabwe vane zvakawanda zvavanokwanisa kudzidza kubva musarudzo idzi zvakaita sekuti masangano ekodzero dzevanhu anovamirira panenge potyorwa kodzero dzevanhu.