Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeAnglican Church Dzinopemberera Kuberekwa kwaJesu


Bishop Chad Gandiya
Bishop Chad Gandiya
Mukuru weHarare Diocese of the Anglican Church of the Province of Central Africa, Bishop Chad Gandiya, vanoti vari kufara zvikuru nekukwanisa kucherechedza pamwe nekupemberera kisimusi nekuberekwa kwaJesu Kiristu vari muchechi yavo yeCathedral of Saint Mary’s iri muHarare.

Aka ndekekutanga mukati memakore mashanu zvichitevera kubvutwa kwakanga kwaitwa zvivakwa zvechechi naVaNolbert Kunonga, avo vakadzingwa muchechi iyi vakavamba chechi yavo yeAnglican Church of the Province of Zimbabwe.

Bishop Gandiya vanoti kunyange hazvo riri zororo rekisimusi rekuti nhengo dzavo zhinji dzinogona kunge dzakafamba, vakasara muHarare vakwanisa kuungana vakawanda vachipembera vari pamwe chete.

Svondo rapera Bishop Gandiya vakachenura kereke yeAnglican zvichitevera kubuda kwakaita VaKunonga mushure memutongo wedare repamusorosoro wekuti VaKunonga vakanga vasina mvumo yekurambira zvivakwa nemidziyo zvechechi yeAnglican.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG