Accessibility links

Breaking News

Mapato eMDC Ogunun'una neKushaiswa Mukana neZBC


ZBC
ZBC
Mapato maviri eMDC anoti haasi kupiwawo mukana nenhepfenyuro yeZBC wekuti akurukurewo nezvebumbiro idzva remitemo, sezvaanoti zviri kuitika kubato reZanu PF, iro rinonzi riri kushandisa mukana uyu kushoropodza bumbiro idzva iri pamwe nemapato eMDC aya.

Mamwe masangano ane maonero mamwe chete neZanu PF pabumbiro idzva iri akaita seNational Constitutional Assembly, NCA, iro riri kukurudzira veruzhinji kuti varambe bumbiro idzva iri, anonzi ari kupiwawo mukana nenhepfenyuro iyi wekuti ataure paterevhizheni neparhedhiyo.

Mapato maviri eMDC aya anotiwo vamwe vanhu vari kupiwa mukana wekutaura vanhu vanozivikanzwa kuti vakarerekera kubato reZanu PF.

ZBC inonzi ine zvirongwa zvinosanganisira “Power Talk”, icho chinonzi chakatangwa svondo rino chichitarisa nyaya yebumbiro idzva.

Hatina kukwanisa kubata veZBC kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo vaudza Studio 7 kuti semaziviro avo, ZBC inopa mikana kumapato ose, vakati kana mapato eMDC asiri kudaidzwa neZBC, anosungirwa kuendaoga kumizinda yenhepfenyuro iyi.

Asi mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti nyaya yekusapiwa mukana panhepfenyuro vakatomboisvitsa kune mukuru weZBC, VaHappison Muchechetere, pamwe negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, vaWebster Shamu.

Mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, VaNhlanhla Dube, vaudzawo Studio 7 kuti bato ravo rakamirira kukokwa neZBC, uye kana vakakokwa vanotarisira kuenda, sezvo munhu wese aine kodzero yekunzwikwa panhepfenyuro iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG