Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yoita Musangano weNational Council neChishanu


Mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai
Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti neChishanu musangano wekanzuru yepamusoro soro mubato iri, National Council.

Musangano uyu ndewekutanga gore rino uye unonzi wakakosha zvikuru sezvo uchatarisirwa kugadzirisa pamwe nekupedza kunetsana kwave kuda kutsemura bato iri.

Mutauriri webato iri, VaDouglas Mwonzora, vanoti nyaya iyi ichataurwa nezvayo.

Vanoti zvimwe zvichakurukurwa kumusangano uyu zvinosanganisira remangwana rebato, zvisungo zvakabuda mumusangano wemasachigaro ematunhu wakaitwa muna Kukadzi pamwe nenyaya dzevamwe mubato vari kutsaudzira vachityora mitemo.

VaMwonzora vanoti vanenge vawanikwa vari kudivi risi iro remitemo yebato vachamiswa pamberi pekomiti inoranga vatadza mubato, disciplinary committee. ye

Asi VaMwonzora havana kudoma mazita evanhu vangangomiswa pamberi pekomiti iyi.

Sachigaro wekomiti iyi uye vari sachigaro webato reMDC T, VaLovemore Moyo, vaudzawo Studio 7 kuti pamusangano uyu vachasvitsa gwaro remamiriro akaita zvinhu mubato.

Asi varamba kuburitsa zviri mugwaro iri kanawo kudoma mazita evanhu vangangomiswa pamberi pekomiti yavo kana kutorerwa matanho ekudzingwa mubato.

Asi pane kufungidzira kuti mutevedzeri wemubati wehomwe, VaElton Mangoma, vangangove mumwe wevanhu vangangotorerwa matanho mushure mekunyorera kwavakaita VaTsvangirai tsamba vachiti vasiye basa.

Asi vamwe mubato iri vanoti kuti VaMangoma vadzingwe mumusangano panofanirwa kuvhotwa voburitswa nemavhoti akawanda, izvo zvinonzi hazvigoni kuitika.

VaMangoma vaudzawo Studio7 kuti havasati vaziva kana vachizomiswa pamberi pedare raVaMoyo iri sezvo vanga vasati vasvitswa magwaro ekuvarovera nemhosva.

VaMangoma varambawo mashoko ari kubuda ekuti vaenda kudare repamusoro vachida kuti rimise musangano weChishanu uyu, vachiti zvinhu zviri kufamba negwara ravakawirirana pavakaronga musangano uyu.

Vatiwo havasi kuzotya kuenda kumuzinda webato ravo Harvest House uko kuchaitirwa musangano uyu, kunove kwavakamborwiswa nevechidiki vebato ravo mushure metsamba dzavakanyorera VaTsvangirai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG