WASHINGTON DC —
Kusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzeupfumi kunonzi ndiko kwamanikidza mugodhi unochera ghoridhe, weShamva Gold Mine, kumbomisa vamwe vashandi mabasa.
Vane ruzivo nezviri kuitika pamugodhi uyu vanoti vashandi vanoda kusvika mazana maviri vakamiswa mabasa pakupera kwegore ra2013 uye vamwe vakatotanga kumiswa mabasa kubva kutanga kwegore rino ra 2014.
Zvinonzi kambani ine hurongwa hwekumisa vanhu vari pakati pemazana maviri nemazana matatu.
Vamwe vashandi vataura neStudio7 vanoti zvikonzero zvavari kupiwa nekambani yavo zvainoti zvaita kuti imbovamisa mabasa zvinosanganisira zvekuti haisati yapihwawo mari yayo yeghoridhe rayakatengesa kuma 2007 nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe.
Vamwe vevashandi vakamiswa mabasa vanonzi vanga vashanda pamugodhi uyu kwemakore anodarika mana, kunyange hazvo vanga vachishanda vasina kubairwa zvitupa sematembarari.
Taedza kubata mukuru anoona nezvevashandi paShamva Gold Mine, uyo tanzwa kuti vanonzi VaMadhume, asi munhu anga achidaira nhare yavo anga achibva aidzima kana tangotaura kuti tiri kufona tiri kuStudio7.
Mumwe wevashandi vakambomiswa basa, VaFrancis Kandiko, vanoti kumiswa kwavaitwa basa kwaomesa hupenyu hwavo zvakanyanya sezvo vaine mhuri yakakura yavanga vachiriritira.