Accessibility links

Breaking News

Madzishe Oda Kupindawo muJOMIC


Zimbabwe
Zimbabwe
Madzishe emunyika anoti anodawo kuve nechekuita mukugadziriswa kwenyaya dzekugarisana zvakanaka mune zvematongerwo enyika mumaruva mavanotonga, idzo dziri kugadziriswa neboka reJOMIC pari zvino.

Madzishe anoti boka reJOMIC riri kukundikana kugadzirisa nyaya dzemhirizhonga nezvikonzero zvekuti harisi kushanda navo parinopinda mumatunhu avo.

Vanoti kutadza kugadzirisa makakava pakati pemapato ezvematongerwo enyika kuri kuitwa neboka reJOMIC kuri kuita kuti vamwe vafunge kuti boka iri harina mazino.

JOMIC iri kunetseka kupedza mhirizhonga yezvematongerwo enyika mune mamwe matunhu, izvo zviri kuita kuti veruzhinji vasave nechivimbo nayo.

Asi vamwe vanoti madzishe haangave nechekuita muboka iri sezvo vari vamwe vevanhu vanonzi vari kukonzera mhirizhonga munzvimbo zhinji mumaruwa.

Hatina kukwanisa kubata sachigaro weJOMIC mwedzi uno, VaElton Mangoma veMDC-T, asi vane ruzivo nezvenyaya iyi vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti madzishe ari kuda kuve nechekuita mukufambiswa kwemabasa eJOMIC.

Ishe Edson Chihota vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti madzishe ari kuda kuve nechekuita muboka reJOMIC, vakati vakatotsvitsa chikumbiro chavo ichi kumapato ezvematongerwo enyika ari kuhrumende yemubatanidzwa.

Vati madzishe anokwanisa kupedza kusawirirana kunenge kuripo achishandisa nzira dzechinyakare dzaishandiswa nemadzitateguru mukutonga nyaya.

Ishe Chihota varambawo mashoko ekuti madzishe anogona kutadza kugadzirisa makakava anenge ari sezvo vazhinji vavo vachinzi vanotsigira Zanu PF, vachiti handi chokwadi sezvo madzishe achimirira svosve pamwe nemunhu wese.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG