Accessibility links

Breaking News

Mvura Youraya Migwagwa kuMberengwa


Mvura zhinji iri kunaya kuMberengwa inonzi yaparadza migwagwa zvotadzisa masangano anopa rubatsiro kusvika munzvimbo zhinji
Kunyange hazvo kuwanda kwemvura iri kunaya kuMberengwa, mudunhu reMidlands, kuri kunzi kwaunza mufaro mukuru kuvarimi vemudunhu iri, nekune rumwe rutivi mvura iyi inonzi yaparadzawo migwagwa inopinda mudunhu iri.

Mumiriri weMberengwa West mudare reparamende, VaJoram Gumbo veZanu PF, vanoti kuparara kwaita migwagwa uku kwave kutowedzera matambudziko enzara yagara iri mudunhu ravo sezvo vemasangano anopa rubatsiro vave kutadza kusvika mumatunhu ane vanhu vanoda rubatsiro.

VaGumbo vanotiwo migwagwa iyi yanga yave nenguva isiri kugadziriswa asi vagari vari kuedzawo napose pavanogona kuyigadzirisa.

Vanoti vane rombo rakanaka mudunhu ravo sezvo vakakwanisa kupiwa giredha riri kugadziriswa migwagwa iyi vagari vachinzi vatenge voga dhiziri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Masangano anopa rubatsiro anosanganisira World Food Programme neCare International, anonzi anga achiri kushandira mudunhu iri, achipa chikafu sezvo vanhu vasina kuwana goho rakanaka mwaka wapera.

Mumwe mushandi weWorld Food Programme audza Studio7 kuti sezvo vanga vasati vadzokera kubasa anokwanisa chete kutizivisa nemamiriro akaita zvinhu pavanovhura mahofisi avo neMuvhuro.

Vanhu vanodarika mamiriyoni maviri vanonzi vari kutarisira rubatsiro rwechikafu kusvika mumwedzi waKurume panotarisirwa vanhu kutanga kukohwa zvirimwa zvavo.
XS
SM
MD
LG