Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoronga Kumutsiridza Matura ayo uye Kutenga Chibage Kunze


Matunhu akawanda emunyika anonzi haana kuwana mvura yakatsarukana mumwaka uno, izvo zvichaita kuti nyika ide chibage kubva kunze
Matunhu akawanda emunyika anonzi haana kuwana mvura yakatsarukana mumwaka uno, izvo zvichaita kuti nyika ide chibage kubva kunze
Zimbabwe inonzi iri kutsvaga mari inoita madhora mamiriyoni makumi mashanu neimwe yekushandisa mukumutsiridza matura ekuchengetera chibage, panguva iyo nyika iri kunzi ingangotenga chibage kubva kunze sezvo goho remwaka uno risina kumira zvakanaka.

Sangano renhau reNew Ziana rati bazi rezvekurima rinoda mari ine huwandu hwakadai kuitira kugadziridza matura eramangwana, uye vachabatsira nemari iyi vakatowanikwa kare. Sangano iri bazi rezvekurima rakatosvitsa kare chikumbiro charo kubazi rezvemari kuti richipedzisa mukupemhwa kwemari iyi.

Pamari inonzi iri kudiwa iyi, madhora mamiriyoni makumi matatu neimwe inonzi ichashandiswa mukumutsiridzwa kwematura ekuchengetera chikafu, madhora mamiriyoni gumi neimwe ichaendeswa mukumutsiridzwa kwezvekushandisa mukufambisa, kwotiwo madhora mamiriyoni manomwe ichiendeswa mukusimudzirwa kwezvehunyanzvi hwemakombiyuta.

Imwe nhengo yesangano revarimi vechichena reCommercial Farmers Union isina kuda kudomwa nezita yati chingava chinhu chakanaka chose kana mari iri kutaurwa nezvayo iyi yakashandiswa mukumutsiridzwa kwenyaya dzekurima, pane kumutsiridza matura asina chinoiswamo sezvo nyika iri kutadza kukohwa chikafu chinosara.

Hurumende inonzi iri kufunga nezvekutenga chibage kubva kunze kuitira kubatsira vari mumatunhu akaita seMatabeleland North neSouth, Bulawayo, Midlands neManicaland, ayo akatoonekwa kare kuti akakanganiswa nekusanaya zvakanaka kwemvura.

Mazuva apera sangano revarimi vechitema reZimbabwe Commercial Farmers Union rakazivisawo kuti nyika ichangokwanisa kukohwa matani 1.2 million echibage, pane matani mamiriyoni 2.2 anodiwa pagore.

Studio 7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvekurima VaJoseph Made kuti tinzwe nezvedanho iri kubva kwavari. VeGrain Marketing Board vati tiite zvekutumira mibvunzo yedu kwavari.

Asi nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvekurima uye vari nhengo yeM-D-C T, VaMoses Jiri vati zvakakosha kuti kana bazi rezvekurima richibuda nehurongwa hwakadai ritangewo ragara navo pasi.

VaJiri vati hazvibatsire kuti hurumende ironge nezvekuchengetedza chibage cheremangwana iyo isina chekudya nhasi, vakati kana chiri chokwadi hurumende inofanirwa kutoisa mari iyi mukutenga chibage kubva kunze.
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG