Accessibility links

Breaking News

WFP Yopemhera Zimbabwe Mari Inoita $60m yeKutenga Chikafu


Sangano reWorld Food Programme, WFP, rinoti rinoda mari inoita mamiriyoni makumi matanhatu emadhora kuitira kuti rikwanise kusvika muna Chikunguru wegore rino richibatsira vanhu nechikafu.

Vakafanobata chigaro chemukuru wesangano iri muZimbabwe, VaAbdur Rahim Siddiqui, vanoti vakakundikana kuwana mari iyi nekukasika, vachamanikidzwa kuderedza huwandu hwerubatsiro rwavari kupa vanhu kubva muna Kukadzi, kana kutobuda zvachose mune mamwe matunhu.

Vanotiwo mwaka wa2013-2014 ndiwo mwaka wakaipisisa munyaya dzenzara mukati memakore mashanu apfuura. Izvi zviri kukonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura munzvimbo dzaisimbokohwa zvakanaka, kuwandisa kwemvura mune dzimwe nzvimbo, zvichibatanawo nekushaikwa pamwe nekudhura kwezvinodiwa pakurima zvakaita sefotereza.

WFP inotiwo varimi vave kurima fodya yakawanda zvichienzaniswa nechibage.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano reWFP, VaTomson Phiri, vanoti kusvika muna Zvita wegore rapera sangano ravo rakanga rabatsira vanhu vanosvika miriyoni imwe chete nemazana maviri ezviuru nechibage, mafuta ekubikisa, bhinzi pamwe nemari, mumatunhu makumi matatu nemasere ari munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyika dzinosanganisira America, United Kingdom, Canada, dzimwe nyika dziri muEuropean Union neJapan, dzinonzi ndidzo dzimwe dzenyika dziri kubatsirawo sangano iri nechikafu.

Hurumende yakatengawo chibage chinosvika zana nemakumi mashanu ezviuru zvematani kuSouth Africa uye chibage ichi chinonzi chatanga kusvika munyika.

Vanhu vanosvika mamiriyoni maviri nemazana maviri ezviuru vanonzi vanoda rubatsiro rwechikafu panosvika nguva yekukohwa gore rino.

Asi gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, vanoti hapana munhu anofa nenzara muZimbabwe sezvo hurumende iri kutora matanho.

Mutevedzeri waVaMade, VaDavid Mharapira, vanotiwo hurumende iri kuita zvose zvainokwanisa kuitira kuti munyika muve nechikafu.

Mutauriri webato rinopikisa reMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti zviri kutaurwa nehurumende zvekuti hapana achaziya nenzara hazvina musoro sezvo dzimwe nhengo dzavo dziri kuziya nenzara nekuda kwekunyimwa chikafu nevatsigiri veZanu PF.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG