Accessibility links

Breaking News

Kunonoka Kunaya kweMvura Kwotarisirwa Kuderedza Goho ra2014


Vamwe varimi vanoti mbesa dzavo dzimwe dzakapiswa nezuva
Vamwe varimi vanoti mbesa dzavo dzimwe dzakapiswa nezuva
Kunonoka kunaya kwemvura mune dzimwe nzvimbo munyika kunonzi kungangokanganisa goho remwaka uno.

Vamwe varimi vanonzi vari kutotanga zvakare kudyara mbeu pasi zvichitevera kunaya zvakanaka kwemvura mushure mezororo rekisimusi.

Vamwewo varimi mumatunhu anoti Mashonaland East, Mashonaland Central neMashonaland West, avo vakanga vakasika kudyara mbeu dzavo, vanonzi vave kudyarurira mushure mekunge zvirimwa zvavo zvekutanga zvapiswa nezuva.

Mumwe murimi wekuUzumba, VaMusafare Nyamapfene, vaudza Studio7 kuti kana mvura yatanga kunaya iyi ikavanyara kusvika mumasvondo maviri ekutanga kwaKurume, vanotarisira kukohwa zvakanaka, sezvo dunhu ravo risinganyanyobatwa nenzara kana vakawana mvura.

VaNyamapfene vanokurudzirawo vamwe varimi vemudunhu ravo kuti varime mbesa dzemari dzakaita sedonje nefodya asi vasingakanganwiwo dzagara dzichirimwa nemadzitateguru avo dzakaita sezviyo, mhunga nedzimwe mbesa diki kuitira kana mvura ikasanaya zvakanaka vanowana mabvamumunda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dzimwe nyanzvi mune zvekurima dzinoti goho remwaka uno richatonyanyodzikira kusvika pamatani anoda kusvika pamazana masere ezviuru, iyo nyika ichinzi inoda chibage chinodarika matani mamiriyoni maviri kuti ikwanise kugutsa vanhu vose.

Ongororo yakaitwa neWorld Food Program yakabatana nehurumende, inoti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri vanoda rubatsiro rwechikafu kusvika mumwedzi waKurume gore rino.

Gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, vakaudza Studio7 svondo rapera kuti hurumende, yakabatana nesangano reFood and Agriculture Organization, ine hurongwa hwekubatsira varimi.

Humwe hwehurongwa uhu huri kutsigirwa neBritain, iyo yakaisa mari inoita mamiroyoni makumi mana nemasere emadhora mukubatsira nyaya dzekurima muZimbabwe.
XS
SM
MD
LG