WASHINGTON DC —
Gurukota rezvemaindasitiri, VaMike Bimha, vanonzi vari kutarisirwa kushanyira kambani inogadzira simbi yeNew Zimbabwe Steel kuitira kuti vaone mamiriro akaita zvinhu pakambani iyi.
Kambani iyi yaitarisirwa kutanga kushanda gore rino mushure mekugadziriswa kunonzi kwakaitwa zvimhingamipinyi zvainonotsa kuvhurwa kwekambani iyi.
Mutauriri wevashandi vekambani iyi, VaBennedict Moyo, vanoti kunonoka kugadziriswa kwezvinetswa pakambani iyi kwaita kuti vashandi vapedze mwedzi makumi mana vasati vapiwa mihoro yavo.
VaMoyo vanoti vashandi vazhinji vave kurarama hupenyu hwekupara mushure mekunge vavharirwa mvura uye magetsi nekambani yeZESA.
Muna Ndira wegore rino vashandi vakanyorera kugurukota rezvevashandi, VaNicholas Goche, vachikumbira kuti vabatsirwe nechimbichimbi, asi zvinonzi hapana chati chafamba.
Kambani iyi yakatengeserwa kambani yeEssar yeku India mushure mekunge yavharwa muna 2008 nekuda kwekuoma kwezvinhu.
Studio 7 yakundikana kubata VaBimha kuti tinzwe nezverwendo rwavo.