Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeGwaro Idzva Yoramba Ichinetsa


Vari mukomiti yakadomwa kuti vatarise uye kugadzirisa gakava riripo mukunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika vatadza zvakare kusangana neChitatu kuti vapedze kusawirirana kuripo.

Kakomiti iyi yakaumbwa kubva mukomiti iri kukokera kunyorwa kwebumbiro remitemo kuti itarise zviri mugwaro rezvakabuda kumusangano weSecond All Stakeholders Conference.

Aka ndekechitatu komiti yevanhu vanomwe ichitadza kusangana svondo rino mushure mekunge vatadza kusangana neMuvhuro, uye neChipiri manheru sezvavakanga vazoronga mushure mekunge zvaonekwa kuti vakanga vasisakwanisi kusangana neChitatu.

Gurukota rezvebumbiro nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, varamba kutaura kuti zvii zvasara zvichiri kutarisirwa kuti komiti iyi izeye.

Asi vati vakaungana neChipiri vakakwanisa kubatabata zvishoma zvavanofunga kuti zvinobatsira.

Vane ruzivo nenyaya iyi vati misaridzirwa ichiri kunetsa yakaiswa mugwaro raitarisirwa kuendeswa kuvatungamiri vepamapato ari muhurumende pamwe neSADC svondo rino.

Zvinonzi pane zvinhu zvitanhatu zvasara zvichiri kunetsa zvinosanganisira nyaya yekuendeswa kwemasimba kumatunhu, nyaya yeNational Youth Service, nenyaya yekuvandudzwa kwemasimba emuchuchisi mukuru wenyika.

Asi nyanzvi munezvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vati hapana zvikuru zvichaitwa nekomiti iyi sezvo hurongwa hwose hwave mumaoko emapato ezvematongerwo enyika ari muhurumende.

VaMutasa vati zvinofanirwa kuitwa nekomiti iyi kuendesa bumbiro reCOPAC iri kuvana veZimbabwe vosarudza vega zvavanoda, kuriramba kana kuritambira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG