Accessibility links

Breaking News

Vatungamiri veHurumende Vanotadza Kusangana Kuti Vazeye Gwaro reBumbiro Idzva


Zimbabwe
Musangano wevatungamiri vemapato ari muhurumende yemubatanidzwa wekuzeya gakava rakonzerwa negwaro rebumbiro idzva remitemo wanga wakatairisirwa kuitwa unonzi watadza kubudirira mushure mekunge mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakumbira kuti vanoda kutanga vambokurukura nechikwata chebato ravo reZanu PF.

VaMugabe vanonzi vaudza vamwe vavo vanoti mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe negurukota rezvemaindaisitiri uye vari mutungamiri weMDC diki, VaWelshman Ncube, kuti vari kuda kutanga vasangana nevamwe vavo muZanu PF vanoti gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, gurukota rezvekufambiswa kwezvinhu, VaNicholas Goche pamwe negurukota rezvemitemo, VaPartick Chinamasa.

VaMugabe naVaTsvangirai vanonzi vakasangana neMuvhuro kwemaawa maviri asi vatungamiri vaviri ava vanonzi vakazosunga kuti vasangane neChipiri vaine mumwe wavo VaNcube, avo vakanga vasipo nezuro.

Vancube vaudza studio 7 kuti vamugabe havana kutaura kuti vachasangana riini kuti vazeye nyaya iyi.

VaNcube naVaTsvangirai vanonzi vakazivisa kare VaMugabe kuti havasi kuzotsukunyuka pavamire panyaya yebumbiro remitemo iri.

Bato reZanu PF riri kuramba kutambira zviri mugwaro rebumbiro idzva, izvo zvakaita kuti rinyorewo gwaro raro iro riri kurambwa nemapato eMDC ari maviri.

Mukupera kwesvondo MDC yaVaTsvangirai yakaparura chirongwa chekukurudzira veruzhinji kuti vatambire gwaro iri. MDC iri kuti gwaro iri riendeswe kuvanhu, avo vanozoritambira kana kuriramba, kwete kuti Zanu PF ifungire vanhu.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari uye kuita zvidzidzo zvavo zvepamusoro paWestminster University kuBritain VaPedzisayi Ruhanya vatiwo mapato ezvematongerwo enyika ari matatu anofanirwa kupa mukana kuvana veZimbabwe kwete kuti akakatirane jira sezviri kuitika pari zvino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG