Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nhengo dzeParamende Dzoda Imwe Mari Kubva kuCOPAC

  • Jonga Kandemiiri

Nhengo dzeParamende
Dzimwe nhengo dzeparamende dzakashanda muchirongwa chekunzwa pfungwa dzevanhu mukunyorwa kwebumbiro remitemo idzva, dzinonzi dziri kuda kuti dzipiwe imwe mari pamusoro pemadhora makumi maviri nemashanu adzaipiwa pazuva semari dzekubatsirikana.

Zvinonzi vadare ava vari kuda kupiwa imwe mari inoita madhora makumi mashanu pazuva pamunhu, pamusoro pemadhora makumi maviri nemashanu avakambopiwa vachiti ndiyo mari yekubatsirikana yakabvumiranwa nedare nehurumende kana vachinge vaita basa reparamende.

Vanotiwo vamwe vavo vaive mumakomiti aikokera chirongwa ichi vaiwana mari inoita madhora makumi manomwe nemashanu pazuva.

Vamwe vamiriri vedare reparamende pamwe neseneti vakashanda pamwe nekomiti yeCOPAC mukunzwa pfungwa dzevanhu mugore ra2010 vanoti vakashandisawo motokari dzavo mukuita basa iri, idzo vanoti vanofanirwa kubhadharwa zvakare.

Mari yave kudiwa nevadare ava inonzi inogona kuita kuti hurumende iburitse mari ingada kusvika kumamiriyoni masere emadhora pamusoro.

Nhengo yekomiti yevamiriri veparamende ava, vachimirira Uzumba uye vari veZanu PF,

VaSimbaneuta Mudarikwa, vaudza Studio 7 kuti vachasvitsa chinyunyuto ichi kudare reparamende panovhurwa dare iri, uye vanoda kuti COPAC itsanangure mashandisiro ayakaita mari inosvika mamiriyoni makumi mashanu echirongwa ichi.

Asi mumwe wemasachigaro eCOPAC, vachimirira MDC-T, VaDouglas Mwonzora, vaudzawo Studio 7 kuti komiti yavo haisi kuzoshaiswa hope nenyaya iyi, sezvo izvi zviri kubva kunhengo dzeparamende dzisina kupinda muchirongwa chekunzwa pfungwa dzevanhu ichi.

VaMwonzora vatiwo vanhu vari kugunun’una ava vakanangana nekuda kukanganisa chirongwa chekunyorwa kwebumbiro remitemo idzva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG