Accessibility links

Breaking News

MDC T Yotsigira PTUZ Kuramwa Mabasa Svondo Rinouya


VaDouglas Mwonzora
VaDouglas Mwonzora
Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, MDC-T, rinoti rinotsigira danho rakatorwa nerimwe remasangano evashandi vehurumende, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rekuti richaramwa mabasa kana hurumende ikasazadzisa chivimbiso chayo chekuvawedzera mari zvikoro zvisati zvavhurwa svondo rinouya.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti hurumende yeZanu PF inofanirwa kuzadzisa vimbiso yayakaita munguva yesarudzo yekuti ichawedzera vashandi vayo mari dzemihoro, kwete kuramba ichirebesa munamato ivo vashandi vayo vachiziya nenzara.

Gurukota rezvevashandi vehurumende, VaNicholas Goche, vakaudzawo bepanhau reNewsDay neChipiri kuti vakanga vasati vanzwa nezvedanho rePTUZ iri, asi vakakurudzirawo kuti kana vashandi vachida kuramwa mabasa, vanofanirwa kutevera mitemo yevashandi.

Hurumende yakavimbisa kuti ichaona kuti yapa vashandi vayo mari dzinofambidzana nepoverty datum line, iyo inonzi iri pamadhora mazana mashanu nemakumi mapfumbamwe pamwedzi.

Nhaurirano dzemihoro pakati pevashandi nehurumende dziri kutarisirwa kuenderera mberi chero nguva svondo rino.

VaMwonzora vaudzawo Studio 7 kuti bato ravo paraive muhurumende yemubatanidzwa neZanu PF kwemakore mashanu apfuura rakaedza zvikuru kuona kuti vashandi vatambira mari dzavo munguva yakatarwa, kunyange hazvo yaive shoma.

Vanoti vaive gurukota rezvemari munguva iyi, VaTendai Biti vebato ravo reMDC-T, vaiparura hurongwa hwebhajeti paine nguva izvo zvaipa vashandi vehurumende ruzivo rweremangwana ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG