Accessibility links

Breaking News

Mamonya Oonesa Vanhu Chitsvuku muHarare


Mapurisa anonzi akanonoka kutora matanho kusvika masoja aisa mutemo mumaoko avo
Mapurisa anonzi akanonoka kutora matanho kusvika masoja aisa mutemo mumaoko avo
Vagari vemuHarare vanonzi vari kuoneswa chitsvuku nechikwata chemamonya chiri kudaidzwa nerekuti “mandimbandimba”, icho chinonzi chiri kushungurudza vafambi pamwe nevemichovha nekuvamanikidza kubhadhara mari zvisiri pamutemo.

Kutanga kwemwedzi uno chikwata ichi chakarova mumwe mukuru weZanu PF mudunhu reHarare, VaItai Badze, panokwirirwa mabhazi pana Fourth Street. Chikwata ichi chinonzi chakabhanawo vamwe vemabhazi kutakura vanhu panzvimbo iyoyi chichivapomera mhosva yekuburitsa zvinenge zvaitika kune vemapepanhau.

Vamwe vanoti chikwata ichi chine chekuita nechimwe chikwata chiri kutambisa vagari vemuHarare chamutavanhava, cheChipangano, icho chinonzi chinodyidzana nebato reZanu PF.

Munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF, VaDidymus Mutasa, vakakomekedza hutungamiri hwebato ravo muHarare kuti huparadze nekutora matanho kune vari muchikwata cheChipangano ichi.

Asi vakuru veZanu PF mudunhu reHarare vakaramba kuti Chipangano pamwe nemandimbandimba aya vane chekuita nebato ravo, vachiti vanhu vari kupfeka mbatya dzebato ravo vachisvibisa zita reZanu PF.

Svondo rino mauto anonzi akarova nekushungurudza vanhu munzvimbo dzinokwirirwa makombi senzira yekutsividza kurohwa kunonzi kwakanga kwaitwa mamwe mauto maviri nechikwata chemandimbandimba svondo rapera.

Vemasangano evagari vemuHarare pamwe neanorwira kodzero dzevanhu vari kushoropodza zvikuru zviitiko izvi, uye kunonoka kwemapurisa pamwe nekanzuru kutora matanho.

NeChitatu, mapurisa anonzi akazosunga vanhu vanoronga kuti vanhu vapinde mumakombi zvakanaka vanodarika mazana matatu. Asi veruzhinji vanofunga kuti mapurisa haana kusunga nhengo dzechikwata chemandimbandimba ichi, idzo dzinonzi dzinofamba nezvikakarara zvemotokari.

Vamwewo ndivo vari kupomera kanzuru yeHarare mhosva yekurega Chipangano nemandimbandima vachidzika midzi vachiita pamadiro pasina matanho ayiri kutora ekuvamisa.

Mutevedzeri wameya weHarare, VaEmmanuel Chiroto, vaudza Studio7 kuti kanzuru yavo haina simba rekukwanisa kumisa Chipangano kana mandimbandimba sezvo zviine zvematongerwo enyika mukati.

VaChiroto vati vakatoronga kuti meya weHarare, VaMuchadeyi Masunda, vasangane nevatungamiri vemapato ari muhurumende kuti patsvagwe nzira dzekugadzirisa dambudziko iri.

Mukuru wesangano revagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vatiwo kanzuru yatadza kuisa mutemo nekugadzikana muguta uye nyaya dzehuwori dzanyanya, izvo zvave kupa kuti vanhu varase chivimbo nayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG