Vamwe vemasangano anoshanda akazvimirira ega vari kugunun'una kuti
hurumende iri kunonoka kugadzirisa kuti pave nekomisheni inoona nezverunyararo, kuregererana, pamwe nekugarisana kwakanaka, kana kuti National Peace and Reconciliation Commission.
Kusafara kwevemasangano anoshanda akazvinirira uku kwakabuda
pamusangano wekuzivisa zviri kuitika pamusoro pekuumbwa kweNational Peace and Reconciliation Commission wakaitwa muGweru neMuvhuro.
National Peace and Reconciliation Commission, ndeimwe yemakomishoni anofanirwa kuvepo pasi pebumbiro idzva remitemo yenyika.
Vamwe vakataura neStudio7 vakati nekuda kwenhoroondo yemhirizhonga yezvematongerwe enyika muZimbabwe, zvakakosha zvikuru kuti munyika muve nekomisheni iyi, vachiti kunonoka kuvepo kwayo kunogona kuita kuti komishoni iyi isazoita basa nemazvo.
Mufundisi Moss Tshuma, avo vanove sachigaro wesangano reEvangelical Fellowship of Zimbabwe mudunhu reMidlands, vakati hurumende inofanirwa kuita zvose zvainogona kuti komishoni iyi ivepo nekukasika.
Pasi pebumbiro idzva remitemo yenyika munyika munofanirwa kuve
neNational Peace and Reconcilition Commission uye komishoni iyi
inofanirwa kuvepo kwemakore gumi kubva panguva iyo mutungamiri wenyika,VaRobert Mugabe, vakaisa ruoko rwavo pabumbiro idzva renyika.
VaNkosilathi Moyo, avo vanove mukuru mukuru wesangano reZimbabwe Organisation for Youth in Politics, kana kuti ZOYIP, vanoti vanotyira kuti vamwe vakuru vakuru vezvematongerwo vari muhurumende vanogona kusada kuti komishoni iyi ivepo sezvo vachityira kuti inogona kuzovasungirira.
Mutevedzeri wemukuru webazi reOrgan on National Reconciliation,
Healing and Integration, Amai Sithabile Nyaningwe, vakazivisa musangano uyu kuti mushure mekunge vawana mazano kune vemasangano akazvimirira ega, kusanganisira vemachechi, bazi ravo rakabuda negwaro rine hwaro hwemutemo wekuti National Peaceand Reconciliation Commission ivepo.
Vakatiwo pari zvino gwaro iri riri mumaoko ebazi rezvemitemo iro
rinotarisirwa kugadzira bhiri rekuti komishoni iyi ivepo munguva pfupi
inotevera.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvemitemo, Va Emmerson Mnangagwa, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.
Paramende iri kutarisirwa kutanga kusarudza vachazove nhengo
dzeNational Peace and Reconciliation Commission mushure mekunge
yashambadza mumwedzi waNyamavhuvhu kuti vanhu vatumire kwairi mazita evanhu vavanoda kuti vave nhengo dzekomishoni iyi.
Vebazi reOrgan on Reconciliation, Healing and Integration vanoti nyaya
yekugadzirira kuti nhengo dzeNational Peace and Reconciliation
Commission dzivepo zvisinei kuti mutemo wekuti komishoni yacho ivepo hausati wavepo kunobatsira kuti komishoni yacho igovepo nekukasika.
Mumwe mudzidzi akapindawo mumusangano uyu, uyo akangoda kudaidzwa nerekuti n Nyasha, anoti kunyange hazvo pane maonero ekuti hurumende iri kunonoka kugadzirisa mitemo inoenderana nebumbiro idzva remitemo yenyika, kusanganisira mutemo weNational Peace and Reconciliation Commission, zvakakosha kuti veruzhinji vaite zvose zvavanogona kukurudzira hurumende kuti nyika ive nekomishoni yakasimba uye ichashanda zvinofadza veruzhinji.
Musangano wanezuro uyu wakaitwa nesangano reChurch and Civil Society Forum richishanda nesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum, uye waive wekuzeya kuti chii chingaitwe nevemasangano akazvimirira ega mukubatsira kuti nyika ive neNational Peace and Reconciliation Commission. nekukasika.