Accessibility links

Breaking News

Tangai Mandipa Mari Yangu, Pasuwa Anoudza Zifa


 Warriors coach Calisto Pasuwa.
Warriors coach Calisto Pasuwa.

Maneja waPasuwa, Va Gibson Mahachi, vaudza Studio7 kuti Pasuwa haasi kudzoka kubasa sezvakataurwa kusvikira zvavari kuda zvagadziriswa.

Kalisto Pasuwa aramba kudzoka pabasa remurairidzi wemaWarriors kusvika zvaari kuda zvagadziriswa.

Maneja waPasuwa, Va Gibson Mahachi, vaudza Studio7 kuti Pasuwa haasi kudzoka kubasa sezvakataurwa kusvikira zvavari kuda zvagadziriswa.

Chekutanga chavari kuda kuudzwa kuti murairidzi uyu aive ambodzingirwei.

Mutungamiri weZimbabwe Football Association, VaPhilip Chiyangwa, vakataura mukupera kwesvondo kuti Pasuwa, uyo akadzingwa neChina, ari kudzoka kubasa rake rekurairidza chikwata chenhabvu chenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi hazvisiri izvo sezvo VaMahachi vataura mugwaro ravanyora vachitumira Studio7 kuti vari kudawo zvekare kuti veZifa vakumbire ruregerero nemhaka dzakapomera Pasuwa pamwe naivo apo Pasuwa akadzingwa..

Vatsigiri venhabvu havana kufara nekudzingwa mumwe wacho ari VaChristopher Mudyanadzo avo vanoti Pasuwa ndizvo.

VaMunyanadzo vanoti Pasuwa haana chaakatadza. Vanoti murairidzi uyu nevamwe vake vakabva kure kusvikira vasvike pavari pari zvino.

Mumwe wevatsigiri venhabvu, VaTatenda Gore, vanoti veZifa vakanganisa kudzingwa Pasuwa pekutanga.

Asi VaTrinity Tafirenyika vanoti Pasuwa anofanira kana kuti aifanira kudzingwa sezvo achibata bata zvakawanda zvinodarika basa rake.

Asi masikati eMuvhuro, VaChiyangwa vanyora tsamba yekukumbira ruregero kuna Pasuwa pamwe namaneja wake, VaMahachi.

VaMahachi vanoti vari kutaura naPasuwa kuti vaone kuti nyaya yeZifa iyi inofambiswa sei.

MaWarriors ari kufanira kusimuka muna Ndira akananga kuRwanda uko vari kunotamba mumakundano e2016 Africa Nations Championships ayo anodeedzwa kunzi Chan.

XS
SM
MD
LG