Accessibility links

Breaking News

Pasi Rose Rocherechedza Kushandiswa kweVana Vadiki Zvisiri paMutemo


Chipiri ranga riri zuva rekucherechedza kusashandiswa zvine mwero kwevana vadiki pasi rose, World Day Against Child Labour.

Rimwe remasangano anomirira kushandiswa kwevana vadiki zvisiri pamutemo, re Coalition Against Child Labour – Zimbabwe, rinoti richabatana nehurumende nemamwe masangano akazvimirira mukucherechedza zuva iri muna Nyamavhuvhu. Sangano iri rinoti chirongwa ichi chaichaitwa zvine mutsindo.

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano iri, Va Pascal Masocha, vanoti zuva iri richacherechedzwa kuChiredzi uko kune dambudziko guru rekushandiswa kwevana vadiki zvisiri pamutemo.

Sangano re International Labour Organisation, ILO, kuburikidza nehofisi rayo muZimbabwe, raparura gwaro rinoburitsa pachena kushandiswa kwevana zvisiri pamutemo kuri kuitwa zvikuru mumapurazi, mumigodhi, nedzimwe nzvimbo.

ILO inoti hurumende iri kuedza kugadzirisa zvinhu kuitira kuti dambudziko rekushandiswa kwevana zvisiri pamutemo, ridzikire. Izvi zviri kuitwa pasi pechirongwa che ILO Worst Forms Of Child Labour Convention, icho chakasungwa muna 1999.

Zimbabwe yakatanga kutsigira zviri pamutemo murawo uyu muna zvita 2000.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuhurumende kana yange ine zvirongwa neChipiri zvine chekuita nezuva iri.

XS
SM
MD
LG