Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reVanhukadzi Pasi Rose


Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva revanhukadzi pasi rose re International Women’s Day. Vanhukadzi vemuZimbabwe vari kukurudzirwa kuti vataure neizwi rimwe chete kuitira kuti zvichemo zvavo zvinzwikwe panguva iyo pasi rose riri kurangarira zuva revanhukadzi.

Kwapfuura makore akawanda kubvira pakaparurwa chirongwa chekurangarira zuva iri revanhukadzi pasi rose zvichitevera musangano wakaitwa nemadzimai mugore ra 1911 achida kukurukura pamusoro pemabasa avanoita mudzimba nekumabasa.

kubva pakatanga chirongwa ichi, madzimai ari kuenderera mberi achirwira kodzero dzavo munyaya dzezvematongero enyika, kuvhota, kugadzirwa kwemitemo inochengetedza kodzero dzevanhukadzi, pamwe nekupiwa dzidziso inoita kuti vakwanise kuronga mhuri dzavo zvakanaka.

Muzvare Marjorie Makombe, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro, vanoti zvakakosha kuti zuva iri rirangarirwe zvisineyi kuti vanhukadzi vava nenguva yakareba vachitsvaga kodzero dzavo. Vanoti pachine zvakawanda zvinoda kugadziriswa, uye hurumende inotarisirwa kuti ipewo pakuru munyaya dzekukurudzira kukwidziridzwa kwevanhukadzi.

Vanoshanda musangano re Women Institute for Leadership Development, Amai Sibusisiwe Ndlovu Bhebhe, vanotiwo zvakakosha kuti mudzimai mumwe nemumwe ave nemukana wekutaura zvaanotarisira muhupenyu.

Amai Zandile Mthembo, avo vanoshanda mubazi rezvehutano, vanoti chinangwa chemhemberero dzegore rino chakakosha nekuti masangano mazhinji ari kubatikana nematambudziko ari kutarisana nevanhukadzi vanogara mumadhorobha makuru, vekumaruwa vasingawane rubatsiro rwunokodzera.

Amai Mthembo vanoti hurumende iri kutarisirwa kutsvaga mari ichashandiswa mukudzidzisa vanhukadzi kodzero dzekuronga mhuri dzavo.

Mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, uye vachitungamira chirongwa chekuenzanisa mikanwa yemadzimai nevanhurume Muzvare Thokozani Khupe, vanoti yasvika nguva yekuti kuiswe mitemo inoenzanisa kodzero dzemadzimai nedzevanhurume mubumbiro idzva remitemo yenyika.

Kunyange hazvo zuva re Women’s International Day racherechedzwa neChina pasi rose, chirongwa ichi chicharamba chichiitwa munyika dzakasiyana siyana mwedzi uno wose kudzamara wapera.

Dingindira regore rino rakanangana nekusimudzirwa kwemadzimai ekumaruwa, uye kupedza hurombo nenzara mudzimba.

Mune imwe nyaya, sangano re Zimbabwe Schools Examination Council rinoti huwandu hwevanasikana vakapasa bvunzo dze “Advanced Level ne Grade 7” hwakawanda kukunda vanakomana vakanyora bvunzo idzi kwemakore maviri apfuura.

Vanasikana vakapasa bvunzo dze “A Level” gore rapera vakasvika pazvikamu makumi masere nezvinomwe kubva muzana, vakomana vakaita zvikamu makumi masere nezvitatu kubva muzana.

XS
SM
MD
LG