Accessibility links

Breaking News

VaChikwinya Vokurudzira VaDokora Kusiya Basa


Parliament of Zimbabwe
Parliament of Zimbabwe
Mumiriri weMbizo mudare reNational Assembly, VaSettlement Chikwinya veMDC-T, vanoti gurukota rinoona nezvedzidzo yePrimary neSecondary, VaLazarus Dokora, vanofanirwa kusiya basa sezvo vari kutadza kuita basa nemazvo izvo zviri kuita mapepa ebvunzo agare achibiwa bvunzo dzisati dzanyorwa.

VaChikwinya vataura mashoko aya mudare reNational Assembly nhasi mushure mekunge VaDokora vazivisa nhengo dzedare iri kuti varaidzi nevamwe vakawanikwa vaine magwaro ebvunzo dzeOrdinary Level, bvunzo idzi dzisati dzanyorwa, vakasungwa uye vave kumiswa pamberi pematare edzimhosva.

Asi VaChikwinya vati dambudziko iri rinowanikwa gore rega uye zvinoratidza kuti VaDokora vari kutadza kuita basa ravo nemazvo, nekudaro vanofanirwa kusiya basa.

Vapa muenzaniso wevaimbova gurukota rezvedzidzo, VaEdmund Garwe, avo vakasiya basa kuma 90s mushure mekunge mwanasikana wavo awanikwa aina bepa rebvunzo mushure mekunge vaenda nemapapa ebvunzo kumba kwavo.

VaDokora varamba kutaura kuti vachasiya basa here kana kuti kwete vachiti munhu wese ane basa rekuowona kuti nyika yaita bvunzo dzakachena pasina kubiridzira.

Varairidzi vatanhatu, kusanganisira mumwe mukuru wechikoro kuGweru neKwekwe, vakasungwa vakamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuburitsa mapepa ebvunzo dzeOrdinary Level muzvidzidzo zve Geography ne Science mazuva ebvunzo asati asvika.

Zvichakadai, mutevedzeri wegurukota rinoona nezvematunhu, VaJoel Matiza, vazivisa kuti hurumende iri kuenderera mberi nechirongwa chayo chekuputsa dzimba nezvimwe zvivakwa zvakavakwa munzvimbo dzisingakodzeri.

Asi vati vachaita izvi chete kana vachinge vapedza ongororo iri kuitwa nebazi ravo.
Vati chirongwa chebazi ravo chichagadzirisa zvichemo zveavo vachaputsirwa zvivakwa pamwe navose vanoda dzimba mumadhorobha nemaguta munyika.

Veruzhinji vari kushora hurumende nehurongwa hwayo asi VaMatiza vati chirongwa ichi chine chinangwa chekupedza dambudziko rekuti vanhu vanongovaka pese pese vasingatevedzeri mitemo yemumadhorobha nemaguta avanogara.

Hurumende yakamboita chirongwa chakaita seichi muna 2005 che Operation Murambatsvina ikasiya mhuri dzinodarika zviuru mazana manomwe dzisina pekugara.
XS
SM
MD
LG