Accessibility links

Breaking News

Paramende Inotambira Bhiri reBumbiro Idzva


Dare reparamende reHouse of Assembly, rapasisa bhiri rebumbiro idzva renyika, Constitution of Zimbabwe Ammendement Number 20 pasina kana nhengo imwe zvayo yapikisa bhiri.

Bhiri iri rapasa mushure mekushandurwa zvishomanana uye zvichitevera kuverengwa kechitatu nhengo dzedare iri dzabva dzavhota sezvinodiwa nemutemo.

Pasi pemutemo wenyika bhiri rebumbiro rinoda kuti zvikamu zviviri kubva muzvitatu dzenhengo dzese dzedare iri dzitsigire bhiri iri risati rapasa.

Nhengo dzese dzange dziri mudare zana nemakumi mashanu nenhanhatu dzatsigira bumbiro idzva iri. Izvi zvaziviswa pamutemo nemutauriri weparamende, Va Lovemore Moyo.

Papedza kutaura VaMoyo zvange zvabuda mukuvhota, nhengo dzedare iri, kusanganisira mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, Amai Joyce Mujuru, makurukota ehurumende anosanganisira VaNelson Chamisa, VaTendai Biti, VaSaviour Kasukuwere nevamwe vabva vatanga kupembera vachitamba nekuimba.

VaMoyo vati bhiri iri rapasa nekuti ridarika zvikamu zvinodiwa kuti ripase.

Bhiri iri richaenda kudare reseneti svondo rinouya uko rinotarisirwa kupasa zvakare risati raendeswa kunosainwa nemutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti richive mutemo mutsva wenyika.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG