Accessibility links

Breaking News

Maonero eHurumende yeAmerica

Pamire America paHurongwa Hwekucheka Hukama neWHO

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump

America yagara kwenguva yakareba ichibhadhara mari yakawandisa yekubatsira vanhu pasi rose. Mari iyi inobva kumitero inobhadharwa nezvizvarwa zveAmerica paine tarisiro yakakura yekuti inoshandiswa nemazvo.

Asi izvi handizvo zvakaitwa nesangano reWorld Health Organization kana kuti WHO iro rakakundikana kuita basa nemazvo mukudzivirira kupararira kwechirwere checoronavirus nezvimwe zvirwere sezvarino tarisirwa kunge richiita.

Mutauriri webazi rehurumende reAmerica reState Department VaMorgan Ortagus vanoti WHO yakaramba kuvandudza mashandiro ayo kusanganisira kuratidza kuti haiudzwe zvekuita nehurumende yeChina.Nekudaro musi wa 6 Chikunguru gore rinouya, America inenge yabuda mugungano iri.

Asi America inoti hayo ichiri yakazvipira kubatsira munyaya dzezvehutano pasi rose.America kubva ikozvino iri kutsvaga nzira dzekubatsira dzimwe nyika dzinenge dzawirwa nematambudziko munyaya dzezvehutano kuburikidza nemapazi ayo ehurumende nemasangano akazvimirira oga.

Kubva muna 2001, hurumende yeAmerica yabatsira nemari inosvika mabhiriyoni zana nemakumi mana nemaviri kana kuti 142 billion kudzivirira kupararira kwechirwere cheHIV/AIDS, malaria, rurindi, Ebola nezvimwe zvirwere.

Mukuru mubazi rehurumende yeAmerica reState Dr. Alma Golden vanoti, Pagore America inobatsira nemari inosvika mabhiriyoni gumi pasi rose, gore rino inenge yakapetwa kaviri apo nyika dzakawanda dzinenge dzichirwisa denda reCovid-19.

VaGolden vanoti chido cheAmerica ndechekuti kunyangwe inenge isisashande neWHO, rubatsiro rwayo rwuchaenderera mberi pasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


See all News Updates of the Day

Mashoko Anotaura Pamire Hurumende yeAmerica Pakudyidzana neSudan

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaMike Pompeo

Mashoko anotevera anotaura pamire hurumende yeAmerica pakudyidzana kwayo neSudan.

Muna 1993, mushure mekunge zvaonekwa kuti hurumende yeSudan yaicdyidzana nevanopfurikidza mwero kusanganisira aive mukuru wechikwata cheAl Qaida Osama Bin Laden yakaiswa panyika dzakatemera zvirango neAmerica zvinopa kuti iite seyakageza munyama pasi rose sezvo pasina kana nyika nevanhu vanenge vouya kuzotanga mabhizimisi.

America inenge isingapewo nyika dzatemerwa zvirango rubatsiro uye inokurudzirawo kuti mabhanga anokweretesa mari akaita seInternational Monetary Fund neWorld Bank asadzipe zvikwereti.

Nyaya yekutemerwa zvirango iyi yakapa kuti Sudan ikwanise kuendeswa kumatare nevanhu vanenge vaine hama dzainge dzaurayiwa nevanopfurikidza mwero vaendese hurumende iyi kumatare.

Nekuda kwenyaya iyi, matare emuAmerica akatura mutongo wekuti Sudan iripe mhuri gumi nenomwe dzakaurayirwa hama pamizinda yeAmerica kuTanzania neKenya muna 1988 uye pakambombwa imwe ngarava yehondo kuYemen.

Muna 2019, vanhu vemuSudan vakapidigura hurumende yavo zvakapa kuti vatungamiri vatsva vabvume kuripa mari inosvika mamiriyoni mazana matatu nemakumi matatu nemashanu kana kuti 335 million yekuripa mhuri idzi.

Muna Zvita gore rapera, America yakatenda kubvisa Sudan panyika dzinodyidzana nevanopfurikidza mwero. Musi wa 28 Zvita gore rapera, America yakabva yatanga kugadzira hwaro hwekudyidzana zvekare neSudan.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaMike Pompeo vakatenda hurumende itsva yeSudan nekusarudza nzira yerunyararo uye kubatana nedzimwe nyika.

Mashoko aya anotaura pamire hurumende yeAmerica pakudyidzana neSudan.

Mashoko anotaura pamire hurumende yeAmerica pakudyidzana neSudan
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Kubviswa kwaVaDonald Trump paChigaro Kwotsviriridza muAmerica

U.S. House: Debate on Impeachment Resolution

Dare re House of Representatives riri pakati pehurongwa hwekumisa basa nekusungisa mutungamiri weAmetica, VaDonald Trump, nemhosva yekukonzeresa mhirizhonga yakaitika paCapitol Hill svondo rapera.

Nhengo dze Democratic Party dziri kumira nerekuti dare iri riwane VaTrump vaine mhosva, uye dziri kutsigirwa nedzimwe nhengo dzebato re Republican Party.

Mutungamiri mutsva weAmerica, Va Joe Biden, vari kutarisirwa kutora mhiko svondo rinouya nemusi weChitatu.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari muzvinafundo muAmerica, Doctor Moses Rumano, vanoti vanoona izvi zvichibudirira sezvo mhirizhonga yakaitika isati yamboonekwa ichikurudzirwa nemutungamiri wenyika muAmerica.

"Vanhu vazhinji vakatarisira zvichabuda pamusango wanhasi mudare. Nyika dzese pasi rose dziri kutarisa zvichabuda sezvo nyika yeAmerica ichizivikanwa nehutongi hwejechetere hwusingakurudzire mhirizhonga," Doctor Rumano vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weVoice of America Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Mashoko Anotaura Pamire Hurumende yeAmerica Pakudyidzana neLiberia Mukurwisa Makoronyera Anotengesa Zvinodhaka.

Zvinodhaka zvinosanganisira heroine necocaine zviri kutengeswa zvisiri pamutemo kubva kuAsia nekuSouth America zvichienda kuAfrica.

Izvi zviri kukonzerwa nekuti miganhu yeAfrica haina kunyatsogadzirwa zvakakwana zvinopa kuti zvive nyore kupinda nezvinodhaka izvi.

Cocaine yakabatwa yave kuGuinea Bisssau nekuCabo Verde mumwedzi yekutanga yegore ra2019 chete inodarika yakabatwa muAfrica yose kubva muna 2013 kusvika 2016.

Hurumende yeAmerica iri kubatsira mukurwisa kutengeswa kwezvinodhaka nekupa nyika dzemuAfrica zvekushandisa kubata makoronyera aya. Mavhiki mashoma adarika,

America yakabatsira vanhu vemuLiberia nezvekushandisa zvinosanganisira hembe dzekupfeka, malaptop nezvimwe zvekurwisa makoronyera aya.

Vakafanobata chigaro chemukuru webazi rekudzivira kutengeswa kwezvinodhaka pamuzinda weAmerica muLiberia kana kuti Acting Director of the International Narcotics and Law Enforcement Affairs Section VaStephen H. Kissik vanoti nyika mbiri idzi dzave nemakore dzichidyidzana.

Vanoti vari kutarisira kuti mushandirapamwe uyu uchaenderera mberi. Kenya ne Ghana ndedzimwe nyika dzemuAfrica dziri kushanda neAmerica mukudrwisa vanotengesa zvinodhaka.

Mumwe aive mukuru mubazi rezvekudzivirirwa kwekutengeswa kwezvinodhaka muAmerica kana kuti Deputy Assistant Secretary of State for the Bureau of International Narcotics and Law Enforcement Affairs, Amai Heather Merritt, vanoti America yakazvipira kubatsira Africa kurwisa vanotengesa zvinodhaka uye vari kutarisira kushanda nenyika dzakawanda.

Vanoti kudyidzana kweAmerica nenyika dzemuAfrica kunoshanda zvakanaka kana pasina makoronyera aya anokanganisawo hutungo hwejekerere. Amai Merrit vati makoronyera akaregedzwa achiita madiro zvinokonzera kusagadzikana munyika, huori zvinozopinza hupenyu hwevanhu munjodzi.

America inofunga kuti kubatsira Africa dambudziko iri risati rakomba zvinobatsira kumisa nyaya dzehuori nemamwe mabasa erima anoitwa nemakoronyera anotengesa zvinodhaka.

Mashoko aya anotaura pamire hurumende yeAmerica pakudyidzana kwayo neLiberia nedzimwe nyika dzemuAfrica pakurwisa makoronyera anotengesa zvinodhaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


America Yotaura nezveMamiriro eZvinhu kuMIddle East

VaMike Pompeo gurukota rezvekudyidazana nedzimwe nyika muAmerica

Mashoko anotevera anotaura pamire hurumende yeAmerica pane zviri kuitika kuMiddle East.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaMike Pompeo vange vari kuMiddle East vanoti pane nyaya mbiri dzakabuda dzakakosha panzendo idzi.

Nyaya yekutanga yakabuda ndeyekuti dzimwe nyika dzemuMiddle East dziri kuda kubatana neIsrael mukuchidyana pasi pechibvumirani chinonzi Abraham Accord. Nyika idzi dzinoti Bahrain, the United Arab Emirates, ne Sudan.

Chimwe chibvumirano chechipiri chakabuda ndechekuti nyika idzi dziri kuwirirana kuti Iran iri kukonzera kusagadzikana mudunhu iri. VaPompeo vanoti zvibvumirano izvi zvakakosha zvikuru kwete kudunhu iri chete asi kutiwo pasi rose.

Vanoti nyika dzakawanda dziri kuvatenda kwese kwavari kufamba nekudyidzana wave kuitwa neUnited Arab Emirates, Bahrain neIsrael.

Vanoti zvibvumirano izvi zvakakosha munyaya dzekudyidzana nebudiriro. VaPompeo vati zvibvumirano izvi iyambiro kuIran kuti zvekuda kuyzviita bhuru mudunhu zvapera vachiti ichasara yave yega isina kana shamwari yepedyo.

Vatiwo kugadzirisa kunetsana pakati peIsrael nePalestine kwakakosha zvikuru mukuunza kugadzikana mudunhu iri. VaPompeo vati zvibvumirano zveAbraham Accord zvakakosha kuunza runyararo, kugadzikana nebudiriro muMiddle East nepasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Kodzero dzeVanhu Dzotyorwa Zvakanyanyisa muBelarus

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG