Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yonetseka neNyaya yeFotereza


Varimi vazhinji munyika vanonzi vatarisana nedambudziko guru rekushaikwa kwefotereza yerudzi rweAmmonium Nitrate, izvo zvinonzi zvichakanganisa goho remwaka uno.

Gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, vakaudza bepanhau reThe Herald neChipiri kuti hurumende yakaita hurongwa hwekupinza fotereza iyi kubva kunze kwenyika.

Asi nyanzvi mune zvekurima dzinoti uku kwangova kutandadza zuva kuteya nzou neriva, sezvo nguva yapera kuti varimi vachimirira fotereza ichiri kunze kwenyika.

Zvimwe zvitoro zviri kutengesa fotereza iyi zvinonzi zviri kutengesa nemutengo uri pamusoro zvikuru we$33.00 patsaga re50 kgs. Kana fotereza iyi ichiwanikwa GMB, inonzi inenge ichiita $7.00 pa 50 kgs, sezvo hurumende ichibhadhara chimwe chikamu chemutengo uyu.

Munyori wezvekurima muMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, Doctor Vincent Gwaradzimba, vanoti kutadza kuronga kuri kuitwa nehurumende, ndiro dambudziko guru munyaya dzekurima.

XS
SM
MD
LG