Accessibility links

Breaking News

Bumbiro Idzva Rinopera Kunyorwa Mutongo weRufu Uchiramba Uripo


Bumbiro remitemo yenyika idzva richangobva mukunyorwa, kana kuti second draft, harina kubvisa zvachose mutongo werufu sezvanga zvichikurudzirwa nemasangano anorwira kodzero dzevanhu pamwe nevamwewo veruzhinji.

Bumbiro iri rinoti mutongo werufu ucharamba uripo pavanhurume vane makore anodarika makumi maviri nerimwe kusvika pamakore asingapfuure makumi manomwe.

Mutongo werufu wabvisirwa chete pavanhukadzi vose.

Asi nyaya yekuti vanhurume vane makore anopfuura makumi manomwe vasatongerwe rufu inonzi nevamwe yange yakanangana nekuda kuti vamwe vakuru vemuZanu-PF vari kupomerwa mhosva dzekuponda kana kupesvedzera kuponda vasatongerwe rufu, kana vakazoendeswa kumatare edzimhosva.

Pasi pemutemo mutsva, kana ukatambirwa pareferendamu ichaitwa, mutungamiri wenyika anenge opinda musarudzo nevatevedzeri vake vaviri vovhoterwa vose. America neMalawi dzine mutemo unoti mutungamiri wenyika anopinda musarudzo nemuvedzeri wake. Asi zvasiyana chete ndezvekuti muZimbabwe mune vateveddzeri vaviri.

Pasi pemutemo uyu, kana mutungamiri wenyika akatadza kuenderera mberi nebasa, mutevedzeri wake wekutanga anenge otora basa iri kusvika temu yavakasarudzwa yapera.

Pamitauro bumbiro idzva rinoti mitauro yose yakaita seChewa, Chibarwe, Chirungu, Kalanga, Koisan, Nambya, Ndau, Ndebele, Shangani, Shona, mutauro wemaoko, "sign language", Sotho, Tonga, Tswana, Venda neXhosa, yave mitauro yeZimbabwe zviri pamutemo. Vanhu vakaberekerwa munyika asi vaine vane mumwe wevabereki vavo akabva kune dzimwe nyika, vanonzi vanenge votenderwa kuvhota.

Gurukota rezveparamende nemabasa ebumbiro, VaEric Matinenga, vanoti vatonyora tsamba kumunyori wedare remakurukota, VaMisheck Sibanda, vachivaudza kuti pavo vasakura vakazunza, zvasarira kuvatungamiri wenyika.

Vatiwo vanoda kunzwa kubva kwavari nekudare remakurukota. Gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vaudzawo nhepfenyuro yeZBC kuti zvose zvavange vachida vapedza kwasara kunzwa kuvakuru vehurumende.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC vakamirira MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaEdward Mkhosi, varamba kutaura nezvebumbiro rapera kunyorwa.

Asi mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaDouglas Mwonzora veMDC-T, vati hapachina kudzokera kumashure.

Mashoko aya atsinhirwawo naVaMunyaradzi Paul Mangwana mumwe wemasachigaro eCOPAC vakamirira Zanu-PF, avo vati vari kufara nezviri mubumbiro..

XS
SM
MD
LG