Accessibility links

Breaking News

Mukuru weMapurisa kuShamva Anovharirwa Mushure Mekuurayiwa kweVanhu Vatatu neMapurisa


Mukuru wemapurisa pakamba yemuShamva, Inspector Shumba pamwe nemudzimai wavo nemamwe mapurisa mapfumbamwe, vanonzi vave muhusungwa pakamba yeBindura zvichitevera kufa kwevanhu vatatu uye kukuwara kwevamwe vanomwe, mushure mekurohwa zvakaipisisa nemapurisa.

Inspector Shumba nemapurisa aya vanzi vakapinda pakomboni yemugodhi weCanterbury inonzi Ashley, iri mumugwagwa weShamva-Bindura, usiku hweSvondo vakatanga kurova vanhu vachivapomera mhosva yekuba nharembozha nechikwama zvemudzimai waVaShumba.
Mudzimai waInspector Shumba vanonzi vanotengesa zvinhu papurazi iri.

Vakashaya muchiitiko ichi ndaVaLuxmore Chivambu, mumwe murume uyo anonzi aizivikanwa nerekuti Giant pamwe nemumwe mudzimai wechikuru watisina kuziva zita rake.

Vagari vemunharaunda yeShamva vakawanda neMuvhuro vakaratidzira pakamba apa vachida kuti Inspector Shumba vabviswe munzvimbo iyi.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Wayne Bvudzijena, vakaudza bepanhau reThe Herald kuti munhu mumwe chete akafa pachiitiko ichi, uye mapurisa achaita zvose zvaanogona mukuongorora nezvenyaya iyi, uye vachazivisa zvichabuda mukuferefeta kwavo.

Asi vanhu vane ruzivo nezvakaitika vari kuti vanhu vakafa vatatu, kwete mumwe chete.


Mumwe mugari wemuShamva vati ndavambhuya vaVaChivambu, vasina kuda kudomwa nezita, vaudza Studio 7 kuti pari zvino mutumbi waVaChivambu uri kuHarare kwauri kuongororwa chakakonzera kufa kwavo.

VaChivambu vanonzi vasiya mudzimai nevana vatatu.

XS
SM
MD
LG