Accessibility links

Breaking News

Nyaya Yekupa Vatema Mabhanga Yomutsa Mutauro muHurumende yeMubatanidzwa


Pakuita kukandirana makobvu nematate pakati peZanu-PF neMDC-T muhurumende yemubatanidzwa nenyaya yekutora zvimwe zvikamu kubva kumabhanga.

Zanu-PF yakabuda nechisungo kumusangano wayo wepagore chekuti makambani asara akaita semabhanga atorwe nechimbichimbi.

Asi MDC-T inoti haisi kuzotevedzera zvisungo zveZanu-PF asi kuti panofanira kutevedzerwa mitemo yenyika.

Gurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvanhu vatema, VaSaviour Kasukuwere, vanoti mabhanga akaita seBarclays neStanchart ave kutamba namaisva nekuvapa zvikamu zvavanoti hazvina kukwana.

Asi gurukota rezvehupfui, VaTendai Biti, vanoti vachanyorera VaKasukuwere tsamba vachivaudza kuti vasakurumidza kumedza kutsenga vachada uye kuti vasavatsike konzi nekuti kumabhanga ndivo vanotonga.

VaBiti vanoti zviri nani kuti vatema vapihwe zvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana kwete makumi mashanu nechimwe zviri kudiwa naVaKasukuwere.

VaKasukuwere vanoti hapana kudzokera kumashure panyaya iyi.

Asi mutevedzeri wavo, VaTongai Matutu veMDC-T, vanotiwo VaKasukuwere vanofanira kutevedzera mitemo yenyika.

XS
SM
MD
LG