Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeBumbiro Idzva Yoworesa Mwoyo yeVakawanda


Nyaya yebumbiro idzva remitemo yenyika, iro ranga rakatarisirwa nemaziso matsvuku neveruzhinji, inenge ichaoresa mwoyo yevakawanda nekuda kwemapato ezvematongerwo enyika ari muhurumende yemubatanidzwa ayo oramba achikakavadzana.

Zvave kubuda zvave kuratidza kuti makore matatu akapedzwa nekomiti yaitungamira hurongwa uhwu yeCOPAC, angangoperera pasina sezvo bato reZanu PF riri kunzi rave kuramba kutambira zvimwe zviri mugwaro iri.

Vakaoma musoro muZanu PF vanonzi vari kukurudzira bato ravo kuti rirambe kutambira zvose zvirimo, vachiti hapana kuteverwa zvakabva muvanhu panguva yekunzwa pfungwa dzevanhu.

Vane ruzivo nezviri kuitika muZanu PF vanoti bato iri harisi kuwirirana pazvinhu zviri mugwaro rebumbiro idzva. Politiburo yebato iri, iyo yakasangana nezuro, ichasangana zvakare svondo rinouya kuti ibude nechisungo pagwaro iri.

Zvimwe zviri mugwaro iri zvinonzi zviri kurambwa nevamwe muZanu PF zvinosanganisira nyaya yekuendeswa kwemasimba kumatunhu, nyaya yekuti anenge achikwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika atsvage vatevedzeri vake panguva yekukwikwidza sarudzo nezvimwe zvakadaro.

Ukuwo, National Executive yebato reMDC inotungamirwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, yakasanganawo mukupera kwesvondo ikawirirana kutambira gwaro iri, kunyange hazvo National Council, inove komiti yepamusorosoro mubato iri, iri kutarisirwa kusangana neChishanu kuti izeyewo zviri mugwaro iri.

Bato reMDC inotungamirwa naProfessor Welshman Ncube rinoti rakatambira zvose zviri mugwaro iri uye riri kupengawo kuti mamwe mapato ari muhurumende yemubatanidzwa haafanirwi kuchitanga kuramba zviri mugwaro iri kana akamboisa runyoro rwawo pagwaro iri vachitambira zvose zvakanga zvavemo.

Nekune rimwe divi, sangano rinorwira kuti munyika muve nebumbiro idzva remitemo yenyika rinobva muvanhu, reNational Constitutional Assembly, riri kuti richakurudzira vana veZimbabwe kuti varambe kutambira gwaro iri panguva yereferendamu, sezvarakamboita mugore ra2000 parakakwanisa kukurudzira vanhu kuti varambe kutambira gwaro rebumbiro raida kunyorwa.

Veruzhinji vave kubvunzana kuti makakatanwa aya, achasiya nyaya iyi yave papi?

Mumwe wemasachigaro eCopac, uye vari mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti vanhu havafanirwi kungotanga nekuramba bumbiro iri vasati vaona zvirimo, sezvavati zviri kukurudzirwa nesangano reNCA.

Mutauriri weNCA, VaMadock Chivasa, vatiwo gwaro rebumbiro idzva iri rine zvakawanda zvisineyi nevana veZimbabwe, asi kuti zvakawiriranwa nemapato ezvematongerwo enyika, chikonzero chinoita kuti vakurudzire vanhu kuriramba.

XS
SM
MD
LG