Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi: Zimbabwe Inofanirwa Kugadzirisa Nyaya dzeHIV/AIDS

Nyanzvi idzi dzinoti izvi zvikaitwa, zvinoita kuti vanhu ava vararame kwenguva refu. Nyanzvi idzi dzinoti zvinhu zvinoshamisa kuti munyika muchine kakutarisira pasi kuvanhu vanorarama ne HIV/Aids, izvo zviri kukonzerwa nekushaiwa kwezvirongwa zvinopa kuti veruzhinji vanzwisise zvinoreva kurarama ne HIV/Aids

Dzimwe nyanzvi munyaya dzekurarama kwevanhu vanorarama ne HIV/AIDS dzinoti hurumende inofanirwa kuita mushandira pamwe nemasangano akazvimirira ega mukugadzirisa zvimwe zvinhu zvinodiwa mukubatsira vanhu vanorarama ne HIV/AIDS.

Nyanzvi idzi dzinoti izvi zvikaitwa, zvinoita kuti vanhu ava vararame kwenguva refu. Nyanzvi idzi dzinoti zvinhu zvinoshamisa kuti munyika muchine kakutarisirwa pasi kwevanhu vanorarama ne HIV/AIDS, izvo zviri kukonzerwa nekushaikwa kwezvirongwa zvinopa kuti veruzhinji vanzwisise zvinoreva kurarama ne HIV/AIDS.

Doctor Frenk Guni imwe yenyanzvi munyaya dzevanhu vanorarama ne HIV/AIDS, uye vari chipangamazano musangano re Management Systems International. Va Guni vanoti pane zvakawanda zviri kuitwa nedzimwe nyika zvinokwanisa kubatsira Zimbabwe mukurwisa chirwere ichi.

This item is part of
XS
SM
MD
LG