WASHINGTON —
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti zvichitevera rusununguko rwenyika muna1980, vakakoka vaive mutungamiri weZapu, muchakabvu Joshua Mqabuko Nkomo, kuti vaite mutungamiri wenyika, apo ivo VaMugabe vaive mutungamiri wehurumende ane masimba, asi VaNkomo vakaramba.
VaMugabe vakataura mashoko aya muBulawayo neSvondo vachiparura zviri pamutemo chivezwa chemufanananidzo waVa Nkomo senzira yekuvaremekedza.
VaMugabe vakati kuramba kwaVaNkomo kutora chigaro ichi kunoratidza kuti vakanga vari munhu aizvininipisa zvikuru.
Chigaro chakarambwa naVaNkomo chekuva mutungamiri wenyika panguva iyi, chakanga chisina masimba akanyanya, sezvo masimba aive mumaoko emutungamiri wehurumende.
Chigaro ichi chakazopihwa muchakabvu Reverend Canaan Banana.
Vamwe vakuru vakuru mubato reZapu vakanga vari pedyo naVaNkomo vanoti kunze kwekuti chigaro ichi chakanga chisina masimba, pane zvimwe zvikonzero zvavasina kuda kudoma zvakaita kuti VaNkomo vasachitambire.
Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti VaNkomo havana kuda kutora chigaro ichi nekuti vakazviona kuti zvaizopedzisira zvavhiringa bato ravo sebato rinopikisa.
Asi imwe nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vachidzidzisa paHuddersfield University, Nkululeko Sibanda, vanoti semaonero avo, chigaro ichi chaizomanikidza VaNkomo kuti vasarambe vari mutungamiri webato ravo.