Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotemesa VaZuma Musoro neNyaya dzeNhaurirano


Nhumwa dzemutungamiri weSouth africa, VaJacob Zuma, dzakadzokera kuSouth Africa neChina ari maoko chete, sezvo vari kutungamirira nhaurirano munyika, vakatadza kudzipeta nenguva yakatarwa.

Asi nhumwa nhatu idzi dziri kutarisirwa kudzoka zvakare svondo rinouya kuti dziyedze kugadzirisa zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.

Chipangamazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vanoti vakasangana nevari kutungamira nhaurirano mumapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa neChitatu manheru, vakaudzwa pasvika nhaurirano.

Vati nenyaya yekuti zvimwe zvange zvisati zvaitwa, vakabvumirana kuti vachadzoka zvakare svondo rinouya voyedza kuyananisa pane zvichiri kunetsa.

Bepanhau reHerald rinoti vari kutungamira Zanu-PF munhaurirano, VaPatrick Chinamasa, vakati vari kutarisira kupeta nhaurirano neChishanu vozopa vatungamiri vemapato avo gwaro ravanenge vabauda naro neChipiri.

Kana vakasabudirira, VaZuma vachaedzazve kuita hurukuro nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai.

Muzvare Zulu vati vachaedza kuona kuti nyaya idzi dzagadziriswa pasati panyorwa gwaro richapihwa VaZuma ravachazoendesa kumutungamiri weMozambique, VaArmando Guebuzza, vanova sachigaro weSADC Troika.

VaMsekiwa Makwanya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMakwanya vanoti zvinhu zviri kutora nguva nekuti Zanu-PF iri kuda kuramba yakabata matomu muhurumende yemubatanidzwa.

XS
SM
MD
LG