Nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, dzakapinda muZimbabwe neChina dzikaratidza kushushikana kukuru nenyaya yekuti vatungamiri vatatu vari muhurumende yemubatanidzwa, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzer wavo, VaArthur Mutambara, havasati vagara pasi kuti vabude negwaro rimwe chete rinoratidza zvavawirirana uye kuti zvozadzikiswa sei.
Vari kutungamira nhaurirano vakamirira mapato matatu ari muhurumende vakaendesa gwaro kuvatungamiri vatatu ava uye chaiva chivimbo chaVaZuma chekuti VaMugabe, VaTsvangirai, uye VaMutambara, vagare pasi vozeya gwaro ravakapihwa, vobudawo negwaro ravo rinoratidza zvavatenderana kana kutadza kubvumirana.
Asi VaMugabe vanonzi vari kutsika madziro panyaya yekuti hurukuro idzi dziitwe. Imwe nhumwa yaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vaudza Studio7 kuti kana vatungamiri vatatu ava vasangana, ndipo pachatanga kufamba zvinhu.
Vati vapa kurudziro yekuti vabude negwaro iri nechimbichimbi.
VaJoy Mabenge vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda nesangano reInstitute for Democratic Alternatives for Zimbabwe. VaMabenge vanoti VaMugabe neZanu-PF ndivo vari kudzorera nhaurirano kumashure.