Accessibility links

Breaking News

Seneta Gladys Gombami-Dube Vanoshaya Vachibva Kunoviga Hama Yavo


Seneta weMpopoma, uye vari nhengo ye MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, Amai Gladys Gombami-Dube, vashaya neMuvhuro kuchipatara chemuKadoma.

Amai Gombami-Dube vanonzi vaendeswa kuchipatara ichi vachiti vari kupera simba pamwe nekuita dzungu. Amai Gombami-Dube vanonzi vanga vachibva kurufu kuGokwe pamwe chete nemurume wavo nedzimwe hama vachienda kumba kwavo kuBulawayo.

Amai Gombami Dube vanga vari nhengo yekomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo. Vanga vari mutevedzeri wasachigaro anomirira MDC-T, Va Douglas Mwonzora, mukomiti iyi.

Vasiya vana vashanu nemurume uye hurongwa hwekuradzikwa kwavo hausati hwaziviswa.

Mutevedzeri wemutauriri we MDC-T, Muzvare Thabitha Khumalo, vanoti bato ravo, uye Zimbabwe yose, yarasikirwa zvikuru nekushaya kwaseneta Gombami-Dube.

XS
SM
MD
LG