Accessibility links

Nhengo dzeParamende Dzinoumba Sangano Rinorwisa HIV/AIDS

  • Jonga Kandemiiri
  • Thomas Chiripasi

FILE- In this Sunday, March, 27, 2011, file photo, Zimbabwean President Robert Mugabe addresses mourners at a state funeral in Harare. According to South African ruling party African National Congress (ANC) mediators who are negotiating constitutional r

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vabuda pachena kuti makurukota ehurumende mazvhinji akafa, akayeredzwa nechirwere cheshuramatongo.

VaMugabe vataura izvi muHarare pakuparurwa kwesangano renhengo dzeparamende rinorwisana nechirwere cheshuramatongo reZimbabwe Parliamentarians Against HIV/AIDS iyo iri kutungamirwa nemumiriri weKwekwe muparamende, vaBlessing Chebundo, sasachigaro wayo.

VaMugabe vakurudzirawo nhengo dzeparamende idzi kuti dziongororwe ropa uye kuti dziburitse pachena mamiriro adzo.

Vamwe vati kuparurwa kwaitwa sangano iri kunotarisirwa kuti kuchabatsira zvikuru mukurwiswa kwechirwere cheshuramatongo ichi, sezvo ruzhinji rwevanhu vepasi rwuchitarisira kune vari kumusoro sevatungamiri kuti vatungamire negwara kwaro.

Vadare vazhinji pamwe nemamwe makurukota nevakuru vakuru muhurumende havasati vabuda pachena panyaya yeHIV/AIDS, uye VaMugabe vatsinhirawo kuti vazhinji vemakurukota avo akafa nekuda kwechirwere ichi.

VaMugabe vakurudzirawo kuti nhengo dzeparamende dziongororwe ropa uye kuti dzibude pachena mamiriro adzo.

Nhengo dzeparamende zhinji dzechirume dzinonziwo hadzina kuda kupinda muchirongwa chekuchecheudzwa senzira yekudzivira kupararira kwehutachiona.

Mugore ra2004, nhengo dzeparamende pfumbamwe dzakanoongororwa ropa radzo, asi hapana akazivisa mamiriro ake, sezvo chinangwa chechirongwa ichi, chaive chekuti munhu azive mamiriro aakaita.

Mugore ra2009 dzimwe nhengo dzeparamende pamwe nevamwe vana nyanduri vakaongororwa zvakare ropa ravo, asi vamwe vavo havana kuzivisa mamiriro avo.

Sachigaro weZimbabwe Parliamentarians Against HIV/AIDS, VaBlessing Chebundo, vaudza Studio 7 kuti sangano ravaumba iri richabatsira zvikuru mukuti veruzhinji vazive nezveshuramatongo kuburiukidza nevatungamiri vavo.

Nyanzvi munyaya dzehutano vachishanda vakazvimirira, Amai Monica Mandiki, vanotiwo vanopembedza zvikuru danho ratorwa nenhengo dzedare reparamende.

XS
SM
MD
LG