Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC Dzinosungirwa Kupa Vanhu Mapepa eBato reMDC


Nhengo ina dzebato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai dzakasungwa mukupera kwesvondo, dzaburitswa muhusungwa mushure mekupomerwa mhosva dzakasiyanasiyana uye kubvisiswa mari yechibatiso.

Munyori anoona nezvesarudzo muMDC-T mudunhu reMasvingo, VaPhillip Manyanye, pamwe nasachigaro wedunhu reGutu, VaFabian Mamombe, vakasungwa neSvondo vachipomerwa mhosva yekupa vanhu magwaro ebato ravo, ayo anonzi nemapurisa anogona kutsamwisa vamwe vanhu.

Vaviri ava vakawanikwa vaine mapepanhau ebato ravo eThe Real Change Times makumi maviri nemashanu pamwe nemamwe magwaro ebato anosvika chiuru chimwe chete.

Vaviri ava vamboendeswa kudare rekuGutu, asi havana kukwanisa kuzomiswa pamberi pedare, izvo zvaita kuti vanzi vachazodaidzwazve kudare mukati mesvondo mbiri nemasamanisi.

NeMugovera dzimwe nhengo mbiri dzebato iri dzakasungwa kuDarwendale, Mashonaland West, mushure memusangano waitungamirwa nemunyori mukuru webato iri, VaTendai Biti.

Vaviri ava, VaJericho Nonga naVaAlvin Kundishaya, vari kupomerwa mhosva yekurova imwe nhengo yeZanu PF inonzi yakanga yabatidza moto panzvimbo yaiitirwa musangano naVaBiti.

Dare redunhu reChinhoyi muChinhoyi razovabvisisa madhora zana pamunhu semari yechibatiso, uye vari kutarisirwa kudzoka zvakare kudare musi wa30 Chikunguru.

XS
SM
MD
LG