HARARE —
Gurukota rezvevechidiki pamwe nekupa masimba ehupfumi kuvatema, VaFrancis Nhema, vanoti bazi ravo riri kuvandudza zvikoro zvinodzidzisa mabasa emawoko kana kuti vocational training centres kuitira kuti zvikwanise kudzidzisa nyaya dzekutanga nekufambisa mabhizimisi.
Vachiparura chirongwa cheGlobal Entrepreneurship Week muHarare neMuvhuro, VaNhema vanoti chinangwa chavo ndechekuti zvikoro izvi, makumi mana nezviviri, zvitore vanhu vanodarika zviuru makumi mana mukati memakore mashanu anotevera.
Pari zvino zvikoro izvi zvinotora vanhu zviuru zvina chete pagore.
VaNhema vanoti vechidiki vanoda kudzidziswa kutanga nekufambiswa kwemabhizimisi kuitira kuti vakwanise kuzviriritira uye vasiyane nenyaya dzekutsvaga mabasa.
Vanoti vechidiki munyika vanotanga kufunga zvekutanga mabhizimisi mushure mekushaya basa kana vachinge vapedza zvidzidzo zvavo.
Chirongwa cheGlobal Entrepreneurship Week chine chinangwa chekukurudzira vechidiki neveruzhinji kutanga mabhizimisi uye chinoitwa munyika dzinodarika zana nemakumi mana pasi rose.