Accessibility links

Breaking News

Nhaurirano dzeZimbabwe neEuropean Union Dzomutsiridzwa


Nhaurirano pakati peZimbabwe neEuropean Enion, EU, dzaitwa muBrussels, Belgium neChina paine chinangwa chekuumba zvakare hukama pakati peZimbabwe neEU.

Gwaro raburitswa neEU mushure memusangano uyu rinoti musangano uyu wanga uri nhungamiri pahwaro hwekutsvaga kuumba ukama pakati peZimbabwe nenyika dzemu Europe.

Vanoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muEU, Lady Catherine Ashton, avo vange vachikokera musangano uyu, vanoti Zimbabwe yaisa nyaya yekubviswa kwezvirango senyaya huru sezvo zviri kuvhiringa kuzadziswa kwechibvumirano chakavaka hurumende yemubatanidzwa.

Lady Ashton, avo vakakoka kuti musangano uyu uitwe mushure mekunge vanyorera mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, tsamba yekuti musangano uyu uitwe, vanoti EU inocherechedza zviga zvazadziswa neZimbabwe kusvika pari zvino, asi inotarisira kuti Zimbabwe icharamba ichienderera mberi nekuzadzisa zvimwe zvasara.

Zimbabwe yange yakamirirwa nemakurukota matatu anoti gurukota rezvekubatana kwematunhu, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga, veMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, gurukota rezvemagetsi, VaElton Mangoma veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, pamwe negurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa veZanu PF.

Makurukota aya anga achimirira mapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti musangano uyu unonzi wabuditsa pachena kusaonera pamwe pakati peZimbabawe neEU sezvo sangano iri rasimbisa kuti Zimbabwe ngaizadzikise zviri muGlobal Political Agreement, GPA, nekowo chikwata cheZimbabwe changa chichisimbirira kuti zvirango zvinonzi zvakatemerwa nyika zvitange zvabviswa.

Sangano reEU rakatemera VaMugabe nevamwe vavo zvirango muna 2002 mushure mekunge munyika maitwa sarudzo dzisina kuchena.

Amai Misihairmabwi Mushonga vanoti Zimbabwe ichaburitsawo gwaro rezvaitika mumusangano uyu.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti kutaura neEU kungovaraidza nguva sezvo pasina chinobuda.

Ukuwo, mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanotiwo bato ravo rinomira nedanho raro rekuti Zanu PF iitewo divi rayo panyaya iyi nekutevera zvainotarisirwa kuita nechibvumirano chakavaka hurumende yemubatanidzwa.

Nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika ichishanda yakazvimirira, VaClifford Mashiri, vanotiwo hurumende yemubatanidzwa inofanirwa kuvandudza mashandiro emauto sezvakatarwa muchibvumirano cheGPA.

Vanoona nezvematongerwo enyika, uye mukuru wesangano reYouth Initiative for Democracy in Zimbabwe, VaSydney Chisi, vanoti vanofadzwa nekutanga kwenhaurirano, kunyange hazvo Zanu PF iri kutarisira zvakawanda munhaurirano idzo dzichangotanga.

Mukuru weEmployers Confederation of Zimbabwe, VaJohn Mufukare, vanotiwo havaoni paine zvitsva zvingaunzwa nenhaurirano idzi, sezvo EU yagara ichongobatsira vanhu veZimbabwe, kunyange hazvo nyika iri kunzi iri pazvirango.

XS
SM
MD
LG