Pane sangano idzva raparurwa muHarare rinoti chinangwa charo chikuru ndechekupedza kutambura kweveruzhinji munyika pamwe nekuona kuti varombo vabvumidzwa kuita mabasa ekutengesa mumigwagwa, kutangawo mabhizimisi pamwe nekuti vana vavo vawane dzidzo pachena.
Vachiparura sangano rePoverty Liberation Movement, imwe nhengo yesangano iri, VaObert Masaraure, vati vaona zvakakodzera kuva nesangano iri kuitira kuti vabatsire pahondo yekupedza hurombo iyo iri kutorwiwa nemamwe masangano anoshanda akazvimirira.
VaMasaraure, avo vanova zvakare mutungamiri weAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, vati kuti nhamo ipere varombo, vanhu vanofanira kubatana vakati chekutanga chichaitwa nesangano ravo kuti vashandi vese munyika vatambire mihoro yavo nemari yemadhora ekuAmerica.
Vati vanodawo kuti misika yese ivhurwe munyika kuitira kuti vanhu vawane chouviri kunyange kuine Covid-19.
Vatiwo vanodawo kuti vana muzvikoro zvepasi nezvapamusoro kubva varombo nevapfumi, vawaniswe mikana yakafana uye kuti kana izvi zvisangakwanisike, zvikoro zvacho zvacho zvovharwa.
Mutungamiriri wesangano rinomirira vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro, Takudzwa Ngadziore, vaudza Studio 7 kuti vanotambira masangano kana aine hurongwa hunoita kuti vana vemuZimbabwe vagare zvakanaka.
Vanoongorora nyaya dzehupfumivakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vati kunyange hazvo zvaitwa izvi iri danho rakanaka, chikuru chinodiwa handi kuratidzira chete asi kuti panotodiwa kusandura mitemo iyo inodzvinyirira vanhu kuti varambe vari varombo.
Vati mitemo iripo inosimudzira vanazvo kare izvo zvinoita kuti vazhinji varambe vachitambura.
VaMasaraure vatiwo rimwe donzvo guru resangano ravo kurwisa huwori muhurumende nemakambani izvo vatiwo zviri kuwedzera hurombo munyika.
MuZimbabwe mune masangano akawanda anoshanda akazvimirira uye nyanzi dzinoti zvinhu zvichanaka chete kana masangano aya akabatana neveruzhinji mugadzirisa zvinonetsa munyika.
Facebook Forum