Makundano eNetOne Easycall Cup ayo anotambirwa nezvikwata zvisere zvemuPremier Soccer League ari kusimudzira hutsi svondo rino.
Zvikwata zvitatu zviri kutungamira mumakundano eCastle Lager Premier Soccer League zviri kupinda munhandare mumakwikwi eNetOne Easycall Cup ayo ane mari inoita inodarika mazana mana ezviuru zvemadhora.
Vachakunda mumakwikwi aya vachawana mari inoita iyo zviuru makumi masere zvemadhora. Vachakundwa mufainari vacho vachiwanawo zviuru makumi mashanu zvemadhora.
Zvimwe zvikwata zvichakwikwidza zvichapihwa mibairo yemari sekutaura kwamanaging director weNetOne VaReward Kangai.
Mushure mekuratidza kukundikana mumakwikwi eCastle Lager Premier Soccer uyezve nekutadza kutora mukombe weChibuku Super Cup, Dynamos iri kutarisira kutora mukombe weEasycall Cup kuti vanyemwererewo gore rino.
Dynamos iri kutamba neHow Mine muRufaro Stadium neSvondo. Murairidzi wayo, Tonderayi Ndiraya, uyo ane basa riripatambo, anoti vachaita nepose pavanogona kuti vatore mukombe uyu unove ndiwo wekupedzisira gore rino.
Zvakamira zvakadai. Chicken inn, iyo iri kutungamira mumakundano eCastle Lager Premier Soccer League, iri kusangana neZPC Kariba kuNyamhunga Stadium mumutambo uri kuratidza kuti wakabaka moto unotyisa.
Panguva imwe cheteyo, FC Platinum ine mutoro wakaoma apo iri kusangana neHighlanders pamusha payo weMandava Stadium.
Chikwata cheFC Platinum chinonetsa kukunda pamusha zvekuti muteveri weHarare City, VaChristopher Mutsago, vanoti vachitarisa zvikwata zviviri zviri kusangana izvi, Kugona Kunenge Kudada iri pamberi.
Mutambo pakati pemaGreen Machine eCaps United neHwange uyo uri muNational Sports Stadium mangwana, ndiwo uchasimudzira makundano eEasycal Cup aya.
Pese panosangana zvikwata zviviri izvi hapadaidzwe anonzwa. Asi mutevedzeri wemurairidzi weCaps United, Fundai ‘Tostao’ Kwashi, anoti vari kuda kudzora zira ravo remudunhurirwa rekunzi maCup Kings.
Masemi fainari emakundano aya achaitwa musi we 6 Zvita, fainari yacho ichizotambwa musi wa 13 Zvita.
Munyaya dzekumhanya, mumhanyi wedzenzo refu, Rutendo Nyahora, uyo anogara kuSouth Africa, ari,kutarisira kunyorwa mumabhuku enhoroondo dzemumhanya apo ari kukwira makomo kumhanya muVumba half marathon neMugovera.
Nyahora ndiye akatora mukombe uyu makore maviri apera zvekuti ari kutaisira kuve mumhanyi wekutanga kutora mukombe uyu makore matatu akateverana.
Asi Nyahora, anofanira kutarisira makwikwi anotyisa kubva kuna Constance Nyasango, Tabitha Tsatsa, Olivia Chitate pamwe na Samukeliso Moyo uyo arikubva kuSouth Africa zvekare.
Elijah Mabhunu, uyo anemukombe wevanhurume, ari kutarisirawo zvekare kutora mukombe uyu asi kechipiri kakateverana.
Mabhunu ari kupinda mumakomo umu mushure mekukunda mumakwikwi eWestgate half marathon. Anoti ari kutarisira kuita zvakanaka muVumba half marathon kuti awanewo mukana wekunomirira nyika kune makwikwi ekunze.
Asi asati arota zvekutora chiuru chemadhora icho chichapihwa achakunda, Mabhunu anofanira kutanga akunda Wirimai Juwao, Cuthbert Nyasango, Kelvin Pangiso, Chrispen Pasipamire, pamwe naJacob Mugomeri.