Accessibility links

Breaking News

Ndege yeAir ZimbabweYakanga Yabatwa Inoregedzwa


Air Zimbabwe yazobvisa mari yanga ichidiwa nekambani yakabata ndege yayo zvichitevera kukundikana kwayo kubhadhara chikwereti kumbani yekuAmerica.

Mumwe mukuru-mukuru wekambani yeAmerican General Supplies, VaKenneth Conour, vanoti ichokwadi kuti mari inodarika miriyoni yemadhora yakabhadharwa neAir Zimbabwe yave kuonekwa kumabhanga emagweta avo.

Izvi zvichaita kuti kambani yeku America iyi iregedze dzege yeAir Zimbabwe.

Vanhu vakawanda vari kutadza kufamba mushure mekunge kambani yeAmerican General Supplies yabata ndege iyi neMuvhuro svondo rapera paGatwick Airport, nekuda kwechikwereti chemari inoita $1,5m

Maneja weAir Zimbabwe mudunhu reEurope, VaDavid Mwenga, vanoti vachakamirira kunzwa kubva kumagweta eAmerican General Supplies kuti ndege yavo icharegedzwa nguvai kuitira kuti igotakura vanhu kuenda navo kuZimbabwe .

Zvichakadaro, Air Zimbabwe inonzi yanga ichidzosera vanhu mari dzavo kutanga neMuvhuro. Asi vamwe vevanhu ava vari kuchema nerekuti Air Zimbabwe haisi kuvadzorera mari dzavo dzose.

Vanhu ava vakadzingwa mumahotera mavakanga vaiswa neAir Zimbabwe, asi vakazodzingwa mumahotera umu mushure mekunge yatadza zvakare kubhadhara mahotera aya.

Mumwe wevanhu vanga vachida kufamba neAir Zimbabwe, VaIgnatius Mwariwangu, vanoti havazivi kuti macheki avapihwa aya neAir Zimbabwe ane mari here, kana kuti kwete sezvo Air Zimbabwe iri kutadza kubhadhara zvinhu zvakawanda.

XS
SM
MD
LG