Accessibility links

Muzvinafundo Mukonoweshuro Vanoshayikira muSouth Africa

  • Thomas Chiripasi
  • Violet Gonda

Eliphas Mukonoweshuro

Gurukota rinoona nezvevashandi vehurumende, Va Eliphas Mukonoweshuro, vashaya.

Professor Mukonoweshuro vashaya mangwanani eChishanu muchipatara cheMilpark muSouth Africa mushure mekurwara nechirwere chigomarara repamapapu.


Mukoma wemufi, VaSiyaniso Mukonoweshuro, avo vari kutaura vakamirira mhuri yekwaMukonoweshuro, vaudza Studio7 kuti hama yavo yashaya mambakwedza eChishanu.

Vatiwo muzinda weZimbabwe muSouth Africa uri kumhanyanya mhanya pamwe chete nevemhuri kuti mutumbi wemufi uwunzwe kumusha.


Gurukota rezvehumhizha, Va Heneri Dzinotyiwei, avo vanga vari shamwari yemufi vati varwadziwa zvikuru nekushayika kwaita VaMukonoweshuro.


VaDzinotyiwei vati bato reMDC inotungamirwa naVaTsvangirai pamwe neruzhinji rweZimbabwe rwarasikirwa zvikuru nekufa kwaita Muzvinafundo Mukonoweshuro.

Mumwe muzvinafundo akashanda naVaMukonoweshuro kwenguva yakareba, VaGordon Chavunduka, vanoti nyika yarasikirwa zvikuru nekushaya kwaVaMukonoweshuro.


VaMukonoweshuro vakambosungwa vari paUniversity of Zimbabwe nyika ichiri kutongwa naVaIan Smith vakagara mujere kwemwedzi mitatu.

Vakazove mukuru wezvidzidzo zve Social Studies paUniversity of Zimbabwe nyika yawana kuzvitonga kuzere.

Mumakore ekumaEighties, VaMukonoweshuro vakambosungwa vakachengetedzwa kujeri rekuGoromonzi munguva iyo vadzidzi vepaUniversity of Zimbabwe vakanga vachiratidzira vachitungamirwa nevaimbove mutungamiri wevadzidzi, VaArthur Mutambara nevamwe.

Vakazopinda muMDC payakavambwa muna 1999 vakave chipangamazano chaVa Tsvangirai. Vakazoitwa munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mubato iri. Muna 2008, VaMukonoweshuro vakasrudzwa kuva nhengo yeparamende inomirira Gutu South muparamende.

Vakazogadzwa segurukota rezvevashandi vehurumende pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa muna 2009.

Zvichakadai, mutungamiri wehurumende, VaTsvangirai vatumira mashoko enyaradzo kumhuri yekwaMukonoweshuro neruzhinji rweZimbabwe vachiti mufi anga ari munhu akazvipira mukusimudzira hupenyu hwevashandi vehurumende munyika.

Vanhu vakaungana pamba paVaMukonoweshuro kuMt Pleasant muHarare. Zuva rekuvigwa kwavo harisati raziviswa.

VaMukonoweshuro vasiya mudzimai nemwanakomana mumwe chete.

XS
SM
MD
LG