Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoita Makakatanwa Anogona Kutsemura Bato Iri


Zvinhu zvinonzi hazvina kumira zvakanaka mubato reZanu PF, umo mava kugara vanhu vakaburitsirana makano nguva dzose, vachirwira zvigaro mubato iri.

Izvi zvinotevera mashoko ekuti vamwe vakuru vakuru mubato iri, havachatarisani nepamusana penyaya yekurwira zvigaro, pamwe nekurasisana.

Mubato iri munonzi mava nechimwezve chikwata chechitatu, icho chinonzi chiri kutsigira mukuru wemauto, VaConstantine Chiwenga, kuti vave mutungamiri webato iri kana mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, vaenda pamudyandigere.

Chimwe chikwata chinonzi chiri kutsigira gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa. Chikwata chinotsigira VaMnangagwa changa chichirwira masimba nechimwe chimwe chaitungamirwa namushakabvu VaSolomon Mujuru.

Chikwata chaVaMujuru hachisati chabuda pachena kuti chava kutungamirwa nani zvichitevera kushaya kwaVaMujuru. Asi vamwe vane ruzivo nezviri kuitika vanoti chikwata chaVaMujuru chava kutungamirwa nemudzimai wavo, Amai Joice Mujuru, avo vanova mutevedzeri wekutanga waVaMugabe mubato nemuhurumende.

Vane ruzivo nezviri kuitika mubato iri vanoti VaChiwenga vari kutsigirwa nemumiriri weTsholotsho North muparamende, VaJonathan Moyo, avo vaitsigira VaMnangagwa.

Zvinonzi VaMnangagwa ndivo vakaita kuti VaMoyo, avo vaidzidzisa zvematongerwo enyika paUniversity of Zimbabwe, vaitwe gurukota rezvemashoko muna 2008.

Kutsigira kwaVaMoyo chikwata chaVaChiwenga kunonzi kwakatsamwisa zvikuru VaMnangagwa, avo vaiona VaMoyo semunhu anovatsigira.

VaMoyo vanozivikanwa zvikuru muZanu PF semunhu anonzi aive pamberi pakuronga musangano we2004 Tsholotsho Declaration, uyo wakazofumurwa naVaObert Mpofu, uchinzi waiva wekuronga kubvisa VaMugabe pachigaro.

Musangano uyu wakasiya vanhu vakawanda muZanu PF vachigeda geda meno vamwe vasisina zvigaro, sezvo vamwe vakadzingwa mubato, kana kumbomiswa kushandira bato.

VaMoyo pachavo vakarambidzwa neZanu PF kukwikwidza muna 2005 vakamirira bato iri.

VaMoyo vakazokwikwidza vakazvimirira, vakatora chigaro cheTsholotsho North. Kuramba kuteerera kwavo bato reZanu PF kwakapa kuti VaMoyo vadzingwe mubato iri, izvo zvakazopawo kuti vadzingwe basa segurukota rezvekuburitswa kwemashoko

Nyaya yezvikwata muZanu PF iyi inonzi ndiyo yakakonzera kuti VaMugabe vakundwe mune dzimwe nzvimbo nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, musarudzo dzakaitwa muna 2008, asi vaikwikwidza kuve nhengo dzeparamende vakamirira Zanu PF, vachihwina kumaruwa kwaikundwa VaMugabe naVaTsvangirai musarudzo yemutungamiri wenyika.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti havana ruzivo nezvemapoka anonzi ari mubato ravo, kunyange hazvo vabvuma kuti mubato ravo mune kutaudzana pamusoro pemafambisirwo anofanirwa kuitwa bato iri.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzaramba kutaura neStudio7 pamusoro pemakakatanwa ari muZanu PF, dzichiti dzinotyira hupenyu hwadzo.

Asi imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vari mukuru webazi rezvegwara rebato muMDC T, VaCharles Mangongera, vanoti Zanu PF inofanirwa kugadzirisa imba yayo sarudzo dzisati dzasvika kana ichida kuti isadzokerere zvakaitika muna 2008.

XS
SM
MD
LG